Kugungudzika kwaBaba MuNgarava yavo
1 Kutambudzika kwaBaba kunopa tsitsi vanhu vaShe kana vakakurangarira vachiisazve mwoyo wavo kwakadzama.
2 Baba vakatambudzika chaizvo vari muNgarava yavo; vakashaya nezororo.
3 Zvino ipapo ndopaisungwa vamwe magumbezi kuenda, vamwe vakati,"Ko, vanozorapa rini ko tione kuuya muGuta?"
4 Nguva yacho iyoyo inoshamisa uye inotyisazve, nekuti haina kumbovapo panyika kwete; yakaoma hama dzangu.
5 Matenga varimo muNgarava yavo vachishevedzera, vachidaro usiku nemasikati.
6 Vakanga vasina zororo vachiti,"Maria iwe, Petrosi iwe, inga wani ndakakutambudzikira."
7 "Ndakakutadzireiko? Inga wani ndakakununura, ndikakubvisa mumuromo meshumba."
8 "Ndikakupfekedza idzi yunifomu: yeVarwi, yeJerusarema, yaJeneti, yeMasoja, neyaMiriamu, neHova dzeRuponeso."
9 "Ukava munhu mutsva wekutanga muAfrica yose, kushonga nhumbi yemuDenga uchiri pasi pano."
10 "Inga wani ndakakununura mukuromba kwawaita, muumbavha hwawaita."
11 "Ndakakubvisa mukuroya kwawaita, asi uchirara wani uri kumakuva uchinhuhwa nyama dzevanhu, asi nhasi wakanganwa."
12 "Mhanje dzemakore ndakakupai vana pasina mutengo, mapofu ndakamupai maziso."
13 "Zvirema ndakamutwasanudzirai, nehosha dzose ndikamurapirai."
14 "Ndiyani pakati penyu nhasi vanoti, 'Handina chandisina kugashidzwa'?"
15 "Ko nhasi Africa iwe, ndakakutadzireiko? Wakanga waitwa mukuru pakati pendudzi dzose."
16 "Wakandiona, ukaona mabasa makuru andakaita, ukadya, ukanwa neni."
17 "Asi iwe hauna kundiziva, ndikakuitira mabasa makuru mukati mako nemhuri yako."
18 "Bva nhasi vakaramba vachishingirira kuroya, kupomba, kunwa, kuba, kupokana, kuputa fodya, uri muno muGuta uye ukandizvidza."
19 "Ko nhasi uno wamirira papi ko, mukorore nemukunda weAfrica, mumabasa awo here?"
20 "Ndakamushingairirai kuti muzoona zororo muDenga."
21 "Ndakamuendesai kuHwanyanza mukaona ukuru hwangu."
22 "Ndikamugezai maoko, makumbo, makotsi enyu, ndikamupai chipikirwa , nengundu dzemuDenga., nengundu dzemuDenga."
23 "Ndakaenda nemi kuGunde ndikamuratidzai pakabva basa pana Chivako, pakanzi iSinai, nepana Chomuwuyu pakanzi iHunde."
24 "Mukaona upamhi hwangu paSeke kusvikira muno muGuta."
25 "Ndikamuitirai izvi neizvi, asi hamuna kundiziva."
26 "Ndikamupai upfumi hwenyika asi makandiramba."
27 "Asi mabasa makaaona pachena; ko maiti ndiri ani ko?"
28 "Mandifananidza nani ko? Apo makandiona, maifanirwa kundiziva nemabasa ayo ndakaita pamberi penyu."
29 Zvino apo Baba vakanga vachidaro vari kutambudzika, Guta harina kuva nezororo kwete.
30 Vamwe vakatangisa kusunga mbatya dzavo vachienda, vamwe vakatangisana kunongedzana.
31 Vamwe vakati,"Ava ndivo vakaipa"; vamwe vakati,"Kwete, ava ndivo vasaka kuti zvivepo."
32 Nyamba takanganwa kuti Matenga vakanga vaisa zvinhu zvose pachena.
33 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingagumi. Amen.