Guta Ra Jehova
Lesson 112

China Chevakanga Vapfekedzwa muGuta

1 Rakati zuva reChina rasvika, mangwanani acho Baba vakati,"Vakapfeka vese svondo, ndivo vanodikanwa kureva shoko nhasi, kwete vaya vakapfeka kare."

2 Vaunganidzwa, vakateurirwa neGwayana richiti,"Baba dzikisai vatumwa venyu vekureva shoko pane umwe neumwe muchivashingisa hana dzavo."

3 "Ngavafanane nehambakamba dziri muGuta raJeneti, vakapakwa kare."

4 "Dzava mhondoro pamweya, wotsikakarizve netsoka dzavo."

5 Kuzoti ava masikati, vakapinda China chaJeneti.

6 Bhaibheri rakavhurwa ndiye akanga akagarwa neMutumwa waJeneti, akazoteerwa naRacheri.

7 Vanhu vaMwari, pakarehwa shoko rakatyisa kwazvo.

8 Zvakaratidza kuti kureva shoko kwavakanga vachiita vakanga vasiri ivo, asi kutoti vakanga vakagarwa nevatumwa veDenga sekureva kweGwayana.

9 Kuzoti ava mangwana acho, Gwayana rikati,"Munoti kwaiva kureva shoko kwenyu mega here?"

10 "Hamuzivi here kuti manga makagarwa nehambakamba dzekudenga?"

11 Zvikanzi,"Vamwe ndavaendesa kuMuuyu, vamwe muGuta raJeneti."

12 Vese vakataurirwa nzvimbo dzavo.

13 Zuva rakatyisa nemwoyo wangu.