Guta Ra Jehova
Lesson 80

Matenga Pamberi Pavatongi Vakuru, veMuHarare Vachena C.N.C.

1 Nyaya yeGuta yakanga yakura kwazvo.

2 Nekuti matsamba mazhinji nemaripoti akanga aendeswa kuna C.N.C. muHarare.

3 Kuti Matenga arege kuita basa munyika, riri ruzha rwevanhu chete, asi vachiziva zvavo kuti pane chokwadi chirikuitwa ipapo.

4 Zvino Siyahamba, iye ndiye akanga azotora nyaya yacho kuti achiifambira.

5 Vakaenda kuHarare naZengeni, vachikwira vachidzoka nemotokari yaZengeni; neMadzimambo aya: Zimunya, Mutasa, naMaranke naChidara.

6 Akarwira pamwe achiti,Akarwira pamwe achiti, "Tinoda kuti Matenga vagare vachiponesa vanhu vedu; havasati vapona vesevagare vachiponesa vanhu vedu; havasati vapona vese"; vakanoisa chichemo chavo pamberi pa C.N.C. Nyaya iyi yakanetsa kwazvo.

7 Iye Siyahamba uya akanga azofemerwa masimba , akava nekuirwisa kukuru kwazvo.

8 Kusvikira kuzonyorwa tsamba yakabva kuHurumende.

9 Pipi rakabuda patsamba iyoyo ndere kuti vanhu vakatadza kuiverenga, vatema nevachena.

10 Vaiverenga vachiti:"Madzimambo vaya vakauya naSiyahamba vanodikanwa naMatenga pamwe kuHarare."

11 Kuzoti vava murwendo, VaChareka ndokuiverenga mangwana acho.

12 Vakati,"Tsamba inoti inoda vaya vakauya naSiyahamba pakutanga chete"; Matenga vakati,vakati, "Murwendo irworwo ukadzoka, Guta rinonoparara.rinonoparara."

13 Matenga vakanga vaudza vanhu vavo kuti vasare vachiisa mwoyo yavo pamwe.

14 Nemurume uyu Chareka akanga ari munhu aishandira Matenga zvikuru.

15 Matenga vari kuenda kuHarare, vakaenda nemotokari iyo yakatengwa kuti vazoite nyore yekufamba nayo.

16 Yaityairwa naChakanyuka Masiyiwa.

17 Vaina Mr. Mhundwa, Mr. Enosi, Mai Chareka, Mai Mamvura, Mai Makina nemwana wavo.

18 Imwe motokari yaiva yaZengeni muna Mr. Siyahamba, Mr. Nyakunu, ari Mambo Zimunya.

19 Murwendo urwu vaiimba rwiyo rwekuti,Murwendo urwu vaiimba rwiyo rwekuti, "Ona vanhu vako Mwari , ko dzose nguva unovachengeta iwe mupfupfu dzose., ko dzose nguva unovachengeta iwe mupfupfu dzose."

20 Asi Matenga vakanga vavapa vatumwa vatatu vatatu, nevamwe vazhinjiwo, avafemera masimba ose.

21 Vakanorara kuimba yemumwe murume akambomutsirwa mudzimai wake afa naMatenga.

22 Usiku ihwohwo Mutumwa akarara achishingaira chaizvo.

23 Kukauya chiedza chinotyisa ipapo.

24 Remangwana Siyahamba vakavatora kuna C.N.C. Mr. Morris, uyo akanga ari mukuru nguva idzodzo.

25 Apinda mukati mehofisi imomo, Siyahamba akatora chigaro akapa Matenga naIshe Nyakunu uyo anga ari mambo .

26 Vagara vese vakavamba kubvunza nenyaya yeGuta.

27 Mutongi akati,Mutongi akati, "Handichada kuti Guta rivepo; ngaribve ipapo unoriisa kunyika imwe kana kumusha kwako,rivepo; ngaribve ipapo unoriisa kunyika imwe kana kumusha kwako," akareketa zvizhinji kwazvo.

28 Kusvikira Siyahamba akati,Kusvikira Siyahamba akati, "Ona Mutongi, kana musina kubvumira Matenga uyu kuita basa rake rive panyika,uyu kuita basa rake rive panyika,"

29 "Neniwo ndingabve hangu muno munyika ndigare zvangu muMvura."

30 Mutongi akashamiswa nekutaura kwake.

31 Nekuti akafungisisa kuti,"Munhu angagara sei muMvura?"

32 "Nekuti hapana munhu angagara mumvura nemhuri yake yose."

33 Aya mazwi akanetsa aninaani anga aripo.

34 Akati,Akati, "Kana madzinga Matenga nevanhu vavo, zviri nane kuti auye agare pamba yangu nevanhu vake.nevanhu vavo, zviri nane kuti auye agare pamba yangu nevanhu vake."

35 "Ini ndichigara zvangu muMvura nemhuri yangu."

36 Vatongi vakatya kwazvo paaya mazwi, vakati,Vatongi vakatya kwazvo paaya mazwi, vakati, "Ko Matenga munomudireiko imi?"Akatizve,"Ndiudzei chikonzero icho munomudira ndicho.Ndiudzei chikonzero icho munomudira ndicho."

37 Varanda vaMwari, pakanga panetsa chaizvo.

38 Siyahamba akati,Siyahamba akati, "Imi vatongi vevachena ndimi makatidzidzisa kuti Mwari anonamatwa.anonamatwa."

39 "Mukatidzidzisai zvezita raJesu."

40 "Asi nhasi Mwari votinzwira tsitsi, topihwa Matenga vanotiponesa pasina mutengo.vanotiponesa pasina mutengo."

41 "Imi moti muri kuponerei?"

42 "Muri kunamatirei?"

43 "Munofunga kuti Mwari anofara here?anofara here?"

44 "Kana vachiona tichitambudzika pamwe naMatenga kudai."

45 Zve iye Siyahamba akati,"Basa rinoitwa naMatenga aya hapana munhu angariite kwete."

46 Mutongi akashamiswa kwazvo nemazwi aya.

47 Kuzoti abuda, Mutongi akatizve,Kuzoti abuda, Mutongi akatizve, "Ndinoda Zimunya naMatenga ndimuudze chikonzero chaida kuti Guta riparadzike.riparadzike."

48 Vapinda, Mutongi vakati,"Onai matsamba aya ainyorwa nanhingi nanhingi kuti basa rako ribve rafa."

49 Dzimwe tsamba akadzitaura nemazita adzo.

50 Ngosi yakati,"Vamwe ndivo vanhu vako awakaponesa, ndivo vanouya nemaripoti."

51 Matenga vanoti,"Ivo vakadzokera shure, haisiri mhosva yangu."

52 "Havana kuda kureurura zvakakwana."

53 "Ona Ngosi , pane mhanje yemakore yaane mwana panze pavo., pane mhanje yemakore yaane mwana panze pavo."

54 Mai Makina vakadaidzwa vakatsanangura pamberi pemutongi iyeye kuti,"Ini ndakapedza makore 11 ndisina mwana."

55 "Asi nepamusana paMatenga ndaanaye, ndiye uyu."

56 "Unofunga kuti pamakore ese 11 ndanga ndichaita mwana here?"

57 Ipapo Mutongi akava nekushama kwazvo.

58 Mutongi akati,"Zvese ndazvionera ndega; enda unogara; kana modazve, mouyazve."

59 Ipapo Zimunya naMatenga vakabuda nerufaro chaizvo.

60 Nevese vakanga vaenda navo vakauya nerufaro.

61 Pakuuya pavo ndakaona Guta rose razwa iri shoko richifarira nekupembera kunzwa kuti Guta ragarazve.

62 Varikugashira Matenga vanzwa kuti vakurira.

63 Ndakaona vamwe vavo vachipembera, vamwe ndakaona misodzi ichiyerera yoga, vamwe vachibatwa nemasimba; zvinotyisa zvandisati ndamboona paupenyu hwangu.

64 Izvi zvakaratidza kuti vanhu vakanga vachine nyota neGuta kuti rigare.

65 Mwoyo yavo ichiti,"Ko toenda kupiko zvatodzingwa pano?"

66 Zvino VaJehova vakanzwa tsitsi nekuchema kwavo nekukumbira kwavo.

67 Vakatungamirira Matenga wavo.

68 Vakanokunda vavengi nekunamata chete.

69 Kunamata ndiko kukuru kunokunda zvose.