Guta Ra Jehova
Lesson 51

Kubhabhatidzwa Kwevana

1 Matenga vanobhabhatidza vana vavo avo vakauchikira egambu, nekuti vana veMweya.

2 Rinoti Svondo rekubhabhatidza vana rasvika, ndiwo vana vaya vemhanje dzemakore, dzakagara munyika dzisina vana; vamwe vakagara makumi maviri, vamwe makumi matatu, vamwe makumi mana vasina vana.

3 Asi vakaita vana nepamusana paMatenga.

4 PaGuta apa panoberekwa vana zuva nezuva; vamwe vanenge vaenda kumamisha kwavo, tinotozoona vouya vachiti,PaGuta apa panoberekwa vana zuva nezuva; vamwe vanenge vaenda kumamisha kwavo, tinotozoona vouya vachiti, "Ndaane mwana Matenga .."

5 Kuzviratidza vega vachitendesa nezvavanenge vaitirwa naMatenga.

6 Panoti zuva racho rasvika, vanhu vanoungana Mudivi vese, Matenga vanouya vakapfeka zvichena.

7 Apo vanenge vakupa vana mazita avo, kuzoti vapedza.

8 Kunosarudzwa vakadzi vakabva kungundu kuti vabate vana ivavo pakubhabhatidzwa kwavo.

9 Vanenge vakapfeka zvichena vese, nevana ivavo vanenge vakapfekedzwa zvichena vese.

10 Ndizvo zvinobvumirwa muMatenga.

11 Huwandu hwevana ava hwakwana 1,800 kubvira pakutanga kusvikira nanhasi uno vari kuzvarwa chete.

12 Vanouchikwa neruoko chete, mhanje dzoita vana.

13 Matenga vanozobhabhatidza mazita avo, vana ivavo vasati vadaidzirwa Mudivi .

14 Kuzoti vabhabhatidzwa, vanodaidzirwa Mudivi imomo; makore akagara vabereki vacho vasina vana, nemari yavakapambadza vachitsvaga mwana, asi akatadza kumuwana kusvikira azopiwa naMatenga nekutsvairwa neruoko chete.

15 Nekumusha kunobva vabereki vacho zve.

16 Vamwe vana vanoberekwa vaine ngundu , vamwe vasina zvavo.

17 Vanhu vanopembera vachiimba, kutenda Matenga nezvavanenge vaitirwa neMutumwa.

18 Vapedza, Baba vanozosimuka, vanhu vanenge vachiimbaVapedza, Baba vanozosimuka, vanhu vanenge vachiimba "Dzadzisa Chirevo Chenyu Ishe "; ipapo vanhu vashe. Baba vaibata mwana anenge abva kuberekwa, vachimusimudza mudenga neruoko rumwe, vachiita mubatire usina kumboitwa nemunhu munyika kwete.

19 Matenga vanenge vachitoratidza masimba aMwari.

20 Shure kwekuratidza avo vana, vese vakabva kungundu vanosimuka vachitenderedza avo vana; panoitwa muteuro wekushumira Matenga , nekuti vese ava vana ndevemweya kana kuti vana vavo Matenga .

21 Pazouya makwaya ekutsigira basa iroro, panotanga weHarare, Mutare, varume veGuta, vakadzi veGuta, majaya nemhandara.

22 Uku kuratidza hupamhi hwebasa raMatenga.

23 Munongoerera mweya chete, mune rufaro zuva nezuva.

24 Ngatifungisisei mune izvi vanhu vaMwari, kuti vakatumwa muida.