Matenga Vanotaura Zvikonzero
1 Hama dzangu ndinokuudzai kuti zvinhu zvinotaurwa, zvinobva mumuromo maMatenga zvinobva muDenga; vakati vachitaura zvikonzero zvinoita kuti vanhu vadzokere shure vasanamata.
2 Rakati tendere pakati pevanhu richiti,"Munhu nemunhu akafanira kutyiswa neizvi."
3 Matenga vakanga vazere nemasimba eDenga vakataura vachiti,vakanga vazere nemasimba eDenga vakataura vachiti, "Munhu nemunhu anotadza kunamata Mwari pamusana pemweya yakaipa, mweya yetsvina kana kuti madhimoni.pamusana pemweya yakaipa, mweya yetsvina kana kuti madhimoni."
4 Matenga vanoti,"Munhu anoba idhimoni rinoita kuti abe, anopomba idhimoni rinoita kuti apombe, anouraya idhimoni rinoita kuti auraye."
5 Wese munhu anoita mabasa akaipa unokonzerwa nemweya yetsvina kana kuti madhimoni.
6 Zvino Baba vanoti,Zvino Baba vanoti, "Kana munhu anamata Mwari zvazviri, ngaabviswe mweya yetsvina iyoyo, madhimoni.zvazviri, ngaabviswe mweya yetsvina iyoyo, madhimoni."
7 Ipapo ndakaona vanhu vazhinji-zhinji kwazvo vachibviswa madhimoni; marudzi mazhinji akabudiswa naMatenga.
8 Dhimoni raiti rabuda pamuridzi waro, zvino Matenga vaibvunza dhimoni kuti,"Uri kudeiko pamunhu ugere?" Dhimoni iroro raiti mukutaura,"Ndatsva nemoto."
9 Mamwe madhimoni aive euroyi, amwe aive engozi dzevakafa kare; vamwe vakafa vachizvisungirira, vamwe vakafa vachizvipisira mumba, vamwe vakafa vachipondwa nevanhu.
10 Ndizvo zvikonzero zvakauyira Matenga .
11 Nekuti ngozi yaiti yagara pamunhu, ndiyo yaimutuma kunoponda vanhu; ndiyo yaimukonzera kunouraya, ndiyo yaimukonzera kunoba, ndiyo inomukonzera kuita mabasa ese asina kunaka.
12 Zvino vanhu vaona nekufunga kwavo, vakati,"Zvirokwazvo uyu ndiBaba vakauya kuzotinunura."
13 Nekuti vakanga vaona mapipi, nemashura, nezviratidzo.
14 Zvino Matenga vakanga vakamira pakati pechita chevanhu vazhinji-zhinji, vakabata bhuku muruoko rwake, akati,"(Vana Pitorosi nana Mariya)" uko ndiko kuti varume nevakadzi,"Tarirai ini ndiri iye akabva muDenga muna Baba."
15 "Ndakauya kuzokubvisai mumadzudzo nemumatambudziko amakanga muchionewa nemweya yakaipa yetsvina; saka ini ndiripo kununura kune unoda kununurwa; ndiripo zvekukuratidzai nzira yekuenda nayo muMusha."