Kuponeswa Kwezvirema
1 Kwakati basa raBaba rakura nekukura, vanhu vakauya vazhinji kwazvo.
2 Vakauya, nezvirema zvakauyawo kuzoponeswa.
3 Kwakati nerimwe zuva vanhu ava Mudivi vachishanda basa ravo.
4 Matenga vakauya vaine masimba makuru kwazvo.
5 Vari kurapa zvirema muraini iroro, zvirema zvitatu zvakasimuka ipapo zvikafamba.
6 Makumbo avo akatwasanuka, maoko avo akatwasanukawo, vakatanga kufamba zuva iroro.
7 Izvi zvakadzadza Basa raMatenga.
8 Tarisa Mabasa Evaapositori 3: 1-9, ndimo mune mashoko anowirirana neBasa raMatenga.
9 Zvirema zvizhinji zvakapona kwazvo paGuta iri raJehova.
10 Tarisa paDivi reBhetesaida, vazhinji vairwara kwazvo, vasvika paMatenga vakaponeswa.
11 Saka vazhinji vakaponeswa paDivi raMatenga; nanhasi ariko, anototaura neveMudenga.
12 Tarisa Johani 5: 1-9, ndimo mune mashoko eMatenga imomo.
13 Kududzira Basa raMatenga.
15 Paivawo nemumwe mudzimai aiva nehosha yemuura; akagara makore manomwe aine hosha iyoyo.
16 Akati asvika paMatenga, akava nekudavira kuti zvechokwadi uyu ndiBaba.
17 Akati ari muraini rekurapwa, akabuda nyoka muura make.
18 Iyi nyoka yakanga yatizwa nevakuru vemuHarare, kwaHurumende.
19 Kukaonekwa kuti Basa raMatenga riri kufambira mberi.
20 Kukaonekwa kuti zvinhu zvinoshamisa kwazvo zvinoitwa naMatenga. Saka hama neshamwari, ngatifungei nekuti tese, kuti vakauya kununura iwe neni pasi pano, kuti tione kupona tese, iwe neni.
21 Vanhu vatema, tanga taona Mununuri vakanga vauya kuzotiponesa tese.