Kurindira Gore Idzva muGuta raVaJehova
1 Yakanga yava nguva yekupera kwegore ravo, kuti tichienda mugore idzva remangwana acho.
2 Pakanga pakaungana vanhu vazhinji kwazvo vakanga vabva mumatiri mana enyika.
3 Munhu mumwe nemumwe akanga achichemera zvitadzo zvake kuti zvipfuudzwe naMatenga.
4 Kuti tione kupinzwa mugore idzva.
5 Vanhu ava vakanga vachisimuka vachiparidza, zvaityisa kwazvo.
6 Vachiti,Vachiti, "Matenga tipinzeiwo mugore renyu idzva matisuka zvivi zvedu zvose.tipinzeiwo mugore renyu idzva matisuka zvivi zvedu zvose."
7 "Ngatichisiyai kupomba, kuba, kuroya, ruchiva, makuhwa, kureva nhema, nezvese zvakadaro, tiendewo mugore ravo idzva."
8 Zvino vanhu vaichemerera vachiti,Zvino vanhu vaichemerera vachiti, "Kana paine zvandakatadza pane izvi, Matenga ngavazvipfudze.ngavazvipfudze."
9 "Kuti ndione kupinzwa mugore idzva ramangwana."
10 Kuzoti dzava 12 dzepakati peusiku, nguva dzasvika, Muvhangeri akati,"Nguva yakwana, umwe neumwe ngaazvinamatire pachake."
11 Dzasvika nguva idzodzo, bhero rakaridzwa, pakarepo vanhu vakabatwa nemasimba.
12 Zvino vamwe vakatangisa kupembera vachiti,"Tava mugore idzva."
13 Uku handi kuziva kwemunhu, asi upenyu hwaMatenga chete.