Kusimuka kwaMatenga paGuta Ravo
1 Matenga vakatora vanhu vavo avo vakanga vachidisa kuti vaende navo.
2 Vakatora motokari yaVaChakanyuka neyaVaMakuyana.
3 Motokari idzi dzakanga dzine vanhu vaitevera Matenga , avo vaiti,"Pavanofira ndipo patinofirawo."
4 Vakanga vaine mwoyo mumwechete.
5 Kwete mwoyo unogabagaba.
6 Asi Matenga vaiva mumotokari yaVaChakanyuka; yaityairwa ndivo VaChakanyuka vacho.
7 Makuya nevamwewo vanhu.
8 VaiimbaVaiimba "Ona vanhu vako Mwari , ko dzose nguva unovachengeta iwe, ko dzose nguva unovachengeta iwe"; vakanorara muHarare.
9 Kuzoti vaenda kwaMurehwa, asi shoko raMatenga rakanga razivikanwa rekuti,"Ngavauye kuno kwaMurehwa."
10 Matenga ndokubva vaendako. Vasvikako vakaonana neNgosi yemo.
11 Ngosi yemo inoti,yemo inoti, "Hameno Mambo Mangwende kuti anotii, asi ini ndabvuma zvangu.Mangwende kuti anotii, asi ini ndabvuma zvangu."
12 "Kuti aite basa rake muno."
13 Asi vakanga vakafanovaka tudzimba tudiki kare, Matenga vasati vauya.
14 Kwava mangwana, kwatosvika shoko kare kuna Mambo Mangwende richiti,"Usamupe nzvimbo ikoko, ramba."
15 Izvozvo zvakabva kune vakanga vachiti Matenga vasabva paGuta ravo.
16 Mambo Mangwende vanzwa kudaro, vakazoona naMatenga; vakati kwavari,Mangwende vanzwa kudaro, vakazoona naMatenga; vakati kwavari, "Hapana nzvimbo yenyu Matenga muno munyika yangu.muno munyika yangu."
17 "Kana kuti unamate zvako handidi kana kuzvinzwa, kana muteuro wacho; ino inyika yangu."
18 "Unofanira kuti udzokere kwamabva, muno handidi."
19 Matenga vaiva naVaMhundwa, naMai Chiromo, naBaba Chiromo, naMai Maocha; vakaonana neNgosi yekwaMurehwa mangwanani.
20 Vakati vabvako vakaona mudzimai waVaMhundwa asununguka mwana wemusikana mumusasa wavakange vari.
21 Asi vakasvika vobva nerukuvhute runyoronyoro.
22 Vakaenda narwo kwaMutare.
23 Waiva musi weChishanu, vakasvika kwaMambo Zimunya ava manheru, usiku.