Guta Ra Jehova
Lesson 161

Kupfekedzwa kweNguwo dzeRuponeso muGuta raVaJehova

1 Hareruya , Hareruya , Matenga ngavarumbidzwe mupasi rose. Amen.

2 Kupfekedzwa kwenguwo dzeruponeso kana ukakurangarira kunotoda kuisa pfungwa pakadzama, uye dzinotoda vanofunga vanhu vaShe.

3 Zvino mukati mekupfekedzwa kwenguwo dzeruponeso, pakatanga kupfekedzwa James naOliva, Matenga vasati vaenda kwaHonde.

4 Radzoka, musangano weNguwo dzeRuponeso vakarumbidzwa muGuta.

5 Rinodaro shoko raMatenga: vanopfeka ndivowo vakapfeka mikwakwa, neavo vakapfeka ruwadzano rwaJeneti, vane mabhachi matsvuku.

6 Zvirokwazvo ndakaona ivavo vaiziva kuti chataurwa naMatenga chine upenyu vachimhanyidzana kunotenga majamba machena.

7 Ndivavo vane rombo rekupona panyama nepamweya.

8 Nguwo idzodzi dzakayereswa pasi nemudenga, rinodaro shoko, dziri kuyerera iye zvino.

9 Kupinda kwenguwo dzeruponeso muNgarava yaMatenga, dzikaiswa mushonga, dzikarara dzirimo.

10 Kwaiimbwa chiimbo chadzo nengoma, nyere, nemadoropito.

11 Rinodaro shoko reGwayana:"Kana pasina asina kupinza nemusuwo uyu, hapana anopfeka."

12 "Hapana mumwe musuwo unopinzwa nawo mbatya idzodzi kunze kweiwoyu."

13 Kuzoti nemusi weSvondo dzakapfekwa, Divi rose rikachena zvakatyisa.

14 Vatumwa ivavo vane mapumhu marefu vese.

15 Rinodaro shoko:"Mapfeka nguwo idzi dzinoda kushandira, uye nguwo idzi hadzisiri dzekutambira munyama kwete, hadzidi."

16 "Sandi dzekuti nditambe kuti ndionekwe nanhingi kwete."

17 "Munhu nemunhu anofanira kuva nehana inotya pane izvi."

18 "Hadzidi kuuya wopfeka iwe vabva kupomba, kuroya, kushusha mumba, kugodorana, kunwa, kuputa, makuhwa, ruchiva, shungu, kupokana; uye hadzidi manyemwe nekuzvikudza."

19 "Kwete kuti 'ndikatadza ndinenge ndichionekwa nani'; zuva rimwe bedzi uchasangana nenhamo huru."

20 Mumashure memashoko iwayo makaratidzwa vana vazhinji mukati menguwo.

21 Nguwo dzeruponeso dzakati dzatangisa kuimbwa, vatumwa venguwo vakatangisa kutamba vachifarira musangano wavo.

22 Vanodaro Matenga ,"Vana vangu manga mapindurwa, maitwa ngirozi muchiri munyika."

23 Mashoko aifanirwa kurangarirwa kana tava mukati menguwo dzeruponeso, kuti takapfekedzwa zvipfeko zvengirozi.

24 Uye mashoko akatyisa aninaani akanga aripo zuva iroro kune vanofunga.

25 Vanhu vaShe taifanira kurangarira, uye taifanira kuisa pfungwa pakadzama.

26 Kuti chinhu chinokosha kwazvo kuti isuwo tifananidzwe nengirozi dzekudenga.

27 Pamusana pemweya iya inotidzingaidza, takapiwa ndaramo yeupenyu husingagumi.

28 HARERUYA Matenga NGAARUMBIDZWE. Amen. KUUYA KWEVAFEMBERI munyika kwakatyisa chaizvo.

29 Ndivavo vanouya vari mukati menguwo dzeruponeso.

30 Akange ari mangwanani eSvondo, Baba vakati,"Wafemberi wauya."

31 Zvino vafemberi ava vakarongwa vana; vana vakanga ari makurukota acho.

32 Rinodaro shoko:Rinodaro shoko: "Ndizvo zvavanoita kudenga kana vaine musangano nezvemunyika, kuti Gwayana ranetswa nevanhu munyika.ranetswa nevanhu munyika."

33 Pakarepo Gwayana rakatangisa kuimba Nguwo dzeRuponeso.

34 Zvirokwazvo raishevedzera vatumwa vevafemberi pamunhu mumwe nemumwe vakanga vagarwa nevatumwa ivavo.

35 Zvirokwazvo ndakaona vatumwa ivavo vachisimuka, vachizara Divi rose.

36 Zuva iroro Guta rakanga rashandurwa kune vanofunga zvavo.

37 Baba ngavaropafadze aya mashoko eNguwo dzeRuponeso nekusingaperi. Amen.