Guta Ra Jehova
Lesson 47

Kusungwa KweMadhimoni

1 Kunoti Baba vaona kuti nhasi zvakafanira kuti madhimoni asungwe abviswe.

2 Vanotaura kuvanhu vavo kuti vaende kumba yekusungirwa yemadhimoni.

3 Vanhu vapinda mumba imomo, vanoudzwa mutemo wekureurura naBeta naJemusi, Matenga vasati vauya.

4 Kuzoti Baba vauya vanoita muteuro opera, votanga kureurura zvavanoda kusungirwa mweya yakaipa pamberi paMatenga.

5 Vanoreurura zvakadzama zvakadai nengozi, kuuraya, huroyi, kupomba, kuba, makona, nemishonga yakaipa; nevakatadza zve vari muGuta, kana kumusha kwako, ndizvo zvavanoreurura kuna Matenga kana vauya nezvimwe zvakasiyana-siyana.

6 Ipapo ndakaona Matenga vazere nemasimba makuru ekuburitsa vanhu madhimoni, mweya yakaipa.

7 Vaimbi vaitangisa kuimba, vanhu vakaita raini vakagara pasi.

8 Matenga vaisimuka pavanenge vakagara vaine masimba makuru kwazvo, vachivasunga mweya yavo yakaipa iyoyo.

9 Madhimoni anenge abuda ainobvunzwa panze, chaanoda pamunhu iyeye.

10 Mamwe madhimoni anoramba kutaura chaanoda pamunhu iyeye.

11 Mamwe anotaura mhosva dzavo achipiwa zvaanenge achida; mamwe anotaura hari, mamwe mombe, achizoenda kumusha kwake kunoripa izvozvo zvinenge zvataurwa nedhimoni rake.

12 Ndakaona mamwe achiripwa mhosva dzavo; haana kuzodzokazve pamunhu iyeye.

13 Semadhimoni akadai nengozi, mangoromera, mhondoro, aiti abuda, aibatiranwa nevarume vakakwana, nekuti anenge achida kurwisawo, sezvaaiita kare asati afa.

14 Ndakaona vakomana vaviri, Beta naJemusi, ndivo vakapiwa masimba naBaba pabasa iroro rekubata madhimoni nekubvunza madhimoni iwayo chaanenge achida pamunhu iyeye.

15 Asi aya madhimoni ndakaona asingatsauri pekubuda, kana pamunhu mukuru kana pamwana mudiki ainobuda chete; kana isiri hama yako raibuda chete, harinyare.

16 Ndakaona vakadzi vachibviswa madhimoni euroyi nengozi pamwe nevarume.

17 Vanhu ava vari kunamata Mwari vaine chokwadi , nekuti vakanunurwa mumatambudziko avo avakanga vainawo muupenyu hwavo.

18 Ndivo vari kunamata vamirira kuenda naMatenga.

19 Neni ndakabviswa mweya mizhinji naMatenga, vakandibatsira zvikuru kwazvo.

20 Iyi mweya yakaipa ndiyo inotadzisa vamwe vanhu kuita chokwadi chaMwari, nekuti anenge asati abviswa mweya yakaipa, achinyengedza Mwari seakakodzera muna She.

21 Kana uchinamata uchine izvozvi pasina anokubvisa, uchiri hama yemuhedheni.

22 Nenzira yekuti hamuvengi zvivi nguva dzose.

23 Muchiri kuda rima kukunda chiedza.

24 Asi chiedza chakauya zvino.