Guta Ra Jehova
Lesson 29

Rufu rwaMai Gandiwa WekwaSeke

1 Pano ndinokutaurirai n'anga yeGuta raJehova, yaichengeta mbeveve muGuta raJehova.

2 Vakafawo, varwarisa zvikuru, senguva yakanga yakwana yerufu rwavo.

3 Asi vakafa Matenga vabva kuGuta ravo, vasisipo, vava kwaMutare.

4 Matenga vatama, ndokusara vofa kwapera mazuva.

5 VaJehova vanoti,VaJehova vanoti, "Munhu wako auya kuno, n'anga yembeveve yafa, yauya kuno.yembeveve yafa, yauya kuno."

6 Kuzoti Matenga varatidzwa mweya wake, vakapiwa rwiyo runonzi Rwiyo 127,varatidzwa mweya wake, vakapiwa rwiyo runonzi Rwiyo 127, "Jerusarema Musha Wakanaka KwazvoMusha Wakanaka Kwazvo".

7 Izvi zvakaitirwa paGuta idzva.

8 Vakafa vakapinda mumusha weDenga.

9 Vamwe havaioni nzira iyo; ndivo vanozodzoka vava madhimoni.

10 Madhimoni akadaro ndiwo anozodzoka oreurura ava madhimoni chete, anenge atofa.

11 Ndozvinotadzisa vazhinji kuenda mumusha, kana wanga usinganamati uri pachokwadi, mwoyo uchigabagaba.

12 Unofunga kuti zvichabatsira chinhu here, kana ukadzoka wava dhimoni?

13 Wafa, wafa; pamberi peguva hakuna rupinduko kwete.

14 Avo vanoedza Mwari ndivowo vanofa vachiva madhimoni vese.

15 Ngatitendei zvinotaura Baba nguva dzose.