Matenga Vanoenda KuSipolilo
1 Basa revakatumwa riri kuzunguza nyika yose hama dzangu.
2 Paivawo nedzimwe nzvimbo dzanga dzinenyota yekuda kuonana naMatenga.
3 Rwakati rwarongwa rwendo rwekuenda kuSipolilo.
4 Chakanga chambonetsa imotokari dzakanga dzashaika.
5 Nepo vakanga vapiwa mvumo yekuti vafambe zvavo.
6 Hurumende yati,"Munofanira kuti muende nemotokari nhanhatu ikoko."
7 Kuzoti Matenga vashingaira vega, mune dzakazowanikwa.
8 Kuzoti zuva rasvika rokuti vaende, ndakaona Matenga vachiburitsa vatumwa verwendo.
9 Vamwe vakasara vari muGuta.
10 Guta rose rikazara nemasimba anotyisa kwazvo.
11 Vakati vakukwira mudzimotokari dzinokwana shanu, yeMatenga ichiita nhanhatu, iyo yaityairwa naVaChareka Muvhangeri .
12 Vakati vari kufamba rwendo rwavo vakanga vachiimba rwiyo rwokuti:Vakati vari kufamba rwendo rwavo vakanga vachiimba rwiyo rwokuti: "Tenzi Taungana Muno Mumba MenyuTaungana Muno Mumba Menyu"; pasi rose rakadheenyeka rose nokuimba kwavo.
13 Vakati vabuda muGuta, vakapfuura neMutare, kwava kusiku.
14 Asi Matenga vakanga vambotaura kuti,"Ini handibvumirwe kuti ndive ndinofamba neusiku kwete."
15 Vanoti pfuurei Mutare, mota yaMatenga haina kuda kuzofamba kwete, kuzadzisa izwi rakanga rataurwa riya.
16 Vakarara ipapo.
17 "Varikufuma kumuka mangwanani."
18 pipi guru rinotyisa aninaani paupenyu hwake.
19 Zvino ipapo Matenga vakatora motokari vakaityaira voga mbune.
20 Asi haana kumbopangidzirwa zvinoitwa nevamwe vatyairi kwete.
21 Iri pipi rakaitirwa iwe neni kuti tinatse kuziva kuti tiri kufamba naMwari.
22 Izvozvo Matenga vakanga vazere nemasimba vachimhanya zvinotyisa kwazvo.
23 Kubvira paNyazura vachipfuura nepakanga paita motokari dzimwe tsaona vakapfuura.
24 Vada kusvika Harare vakazopa Chareka utyairi hwayo.
25 Vasvika imo muHarare dhorobha rose rakadheenyeka.
26 Mwakaitwa mashura nezviratidzo.
27 Vachena nevatema vakamhanyidzana vachiti,"Ko simba rokurapa zvose izvi vakazviwana kupiko?"
28 Vakanetsekana nemabasa aMatenga.
29 Vamwe vaidongorera vari mumahwindo, vakasiya mabasa kumhanyidzana kuzouya kuzoona Matenga .
30 Vachindoti,"Ibvei muHarare!"
31 Matenga vakadhiraivha zve kusvikira paSipolilo.
32 Kwaigara baba vaSimoni naMai vake, tikaona nzvimbo yakagadzirwa.
33 Vakaenda kuna Mambo , Matenga nevanhu vake, dziri kuimbwa mbira dzaVaJehova; vasvika Mambo vanzwa mutinhimira vakatya nekudedera kukuru.
34 Vakaenda kuHofisi, vapfuura nepahosipitari dzichiimbiwa; vakambomira ipapo kwekanguva kashomanana.
35 Nyika yose yaSipolilo yakadheenyeka chaizvo.
36 Asi Ngosi yakatenderana naMatenga kuti vaponese vanhu veSipolilo.
37 Zuva rekutanga vanhu vakaungana hapana vakapinduka ba; rechipiri hakuna; kuzoti zuva rechitatu Matenga vaenda kunopiwa zvimwe naVaJehova.
38 Vanodaro vari pamusoro pechuru chikuru icho vakanga vaenda kunotora masimba .
39 "Tarirai VaJehova, vanhu venyika vakaoma mwoyo, itai kuziva kwenyu."
40 "Kuti vazive kuti muri Mwari wechokwadi; ndakauya kuti ndivaponese vese.wechokwadi; ndakauya kuti ndivaponese vese."
41 Chakakazoti zvava Chishanu mumwe nemumwe akamhanyira achisiya imba yake kuuya kuzoona.
42 Ipapo pakaitwa mashura nezviratidzo; vanhu vakabatwa pamusoro wavo vakanga vareurura.
43 Pamazuva iwayo vanhu vakakwana mazana makumi mashanu nemakumi matanhatu nemumwe.
44 Vakabviswa mweya yakaipa vakakwana makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe.
45 Vakatenda kuponeswa zvirwere makumi matatu nevashanu.
46 Vana vakanobhabhatidzwa gumi nevatatu; vamwe vashanu havana kuzoratidzwa ba.
47 Vakapfeka yunifomu yemweya mutsvene gumi nevashanu.
48 Huwandu hwevanhu vese vakauya vakapinduka nevasikazi vakakwana 5,890 vese pamwe.
49 Pakaitika pipi rimwezve guru kwazvo.
50 Mvura yakauya kwazvo zhinji-zhinji; Matenga vakatarira mudenga vakati nezwi guru.
51 Vakati,"Baba, ndinoitei nevanhu venyu?"
52 Ipapo mvura yakada kunaya nesimba; zvino Matenga vakasimudza chari yavo mvura ikaparara.
53 Vanhu vazhinji kwazvo vakashama vachiona mvura ichitandwa naMatenga vakabva kudenga.
54 Mukati memweya yakaipa, madhimoni, makava neumwe wainzi zita rake Dande Mutande Rakatandira Nyika.
55 Murume uyu akanga anetsekana nedhimoni iro vanhu vekoko vachiti vanotinayisira mvura, nyamba kwete, ndiMwari.
56 Rasungwa dhimoni iroro rabuda, rakatanga kutaura pazere vanhu vazhinji chaizvo.
57 Rinoti,"Ini nhasi panotyana", rabvunzwa.
58 Rikati,"Ini ndiri mhondoro; ndapedza makore gumi nemaviri ndigere; uyu asingageri bvudzi mudzimai wangu."
59 "Saka muchiona asingadi kupfeka mabhurugwa nebvudzi rake rakamonana, ndini ndinomuitisa zvose."
60 Rabviswa raenda, vanhu vazhinji-zhinji vaivapo vakashama vakatya nekudedera pamwe naMambo vaivapo.
61 Ndiwo mabasa akauyira Matenga .
62 Murume iyeye akutopfekawo mabhurugwa sevarume vamwe.
63 Bvudzi rake rakagerwa nanhasi anotogerwa bvudzi iyezvino.
64 Ava murume sevamwe varumewo.
65 Musi weSvondo iwowo Matenga vamire pakati pechita vashevedzera vachiti,"Madhimoni eSipolilo ngaabude; mosara makadaro here?"
66 Ndakaona vanhu vese vachibatwa nemweya yakaipa; vakadzi vaviri vakabudirwa nemadhimoni ekupomba akaratidza zvaaisoita kare, umwe regudo; vanhu vese vakashama kwazvo.
67 Nefurumemba dzechechi dzimwe dzakabudirwawo, dzakangouya kuzoona; nemudzimai wemufundisi akabatwawo nedhimoni, vanhu vakashama kwazvo.
68 Vakati,"Ko zvaanotitungamirirazve? Nyamba havana kunaka."
69 Vanhu vaona kudaro, vazhinji-zhinji vakapinduka kwazvo.
70 Hakunazve uri pasi penyika anoita zviratidzo nemapipi akadaro hama dzangu.
71 Nguva yasvika Matenga vakadzokera kuGuta.
72 Vanhu vakakwira mumotokari.
73 Vachiimba rwiyo rwokuti,Vachiimba rwiyo rwokuti, "Tenzi TaunganaTaungana", urwo runotangiwa naNowa; vakati vari kuenda vaimira mumadzinzira, vanhu vachishama nekuimba kwavo.
74 Vakati vasvika muHarare,
75 Matenga vakaenda kumba kwomukuru weMethodist vakanomuratidza basa rose: zvirema, mapofu, nedzimwe hosha dzakasiyana-siyana.
76 Murungu iyeye akadaidza vamwe mapirisita, vamwe vakaungana; ipapo Matenga vakaratidza mashura nezviratidzo.
77 Paivawo nemumwe murungu akadanidza Matenga akazarira mumba.
78 Murungu uyu akareurura, akabatwa pamusoro, akanamatirwa zvikuru.
79 Zvino Matenga vakanga vanzi nemurungu mukuru,"Enda unorara kuEpworth Mission"; takasiya Harare tikaenda kuMission ikoko.
80 Takaona pava nechita chizhinji kwazvo icho chakanga chagarira Matenga .
81 Tasvika, chishamiso ndechekuti Mufundisi weipapo wemuchena afunga achiti,"Ndatorerwa ukuru hwangu"; nyamba kwete.
82 Mufundisi akati,"Hapana nzvimbo yekuti urare pano, dzoka hako."
83 Mwoyo wangu wakafunga,"NdiMambo Jesu arikufamba nzvimbo dzakasiyana-siyana."
84 Zvino Matenga vakadzoka nevanhu vavo, vakazopiwa nzvimbo kuHighfield pamwe nevanhu vavo.
85 Akati rava remangwana acho takapinda munzira tikasvika paMarandellas, pakaitwa mashura nezviratidzo.
86 Tabva ipapo takasvika paRusape, tikamira kwazvo.
87 Vanhu vaungana zhinji vakanga vachiona mashura nezviratidzo izvo zvaiitwa naMatenga tiri kuuya; takapfuura neMutare tichienda muGuta, mumusha weMweya Mutsvene .
88 Takati tiri kusvika muGuta, takatambirwa nevanhu vazhinji-zhinji vakanga vakagarira Matenga vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo.
89 Vaipembera vamwe nezvigurangu, vamwe vachipukuta motokari yaMatenga, vamwe vasingagoni nekufamba nemasimba.
90 Zuva iroro Guta rose rakava nerufaro rukuru kwazvo.
91 Ndakaona vanhu ava vachiimba rwiyo rwemweya.
92 Hama dzangu, kuone anochengeta mashura nezviratidzo izvi mumwoyo make achityiswa neBasa raMatenga, akaropafadzwa zvake mugoni.
93 Dai tarega kudzoka mumashure, taramba takabatirira pachari yaMatenga chete.
94 Neni ndanyora izvi sandikuna kwete, asi ndinotoisawo mwoyo wangu pamberi paMatenga vanenge ndivo Musiki .
95 Mwari achakomborera zvinyorwa zvake. Amen.