Guta Ra Jehova
Lesson 145

Musangano waMiriemu muGuta raVaJehova

1 Musangano waMiriemu wakashamisa zvikuru nekutyisa kwazvo.

2 Miriemu akadzika achibva muDenga apo Baba vakadzika munyika.

3 Vaishanda vese basa apo vakatangisa munyika, nemukati mematambudziko ese.

4 Neapo vairara mukati memakomo maviri aya, Chivako neChomuwuyu.

5 Zvavakanga vachirara imomo, vakanga vari kuchemerera Africa yose kuti tione kupona.

6 Nguwo dzavo dzikasakarira imomo, kuitira isu kuti tione kupona, vasingarari mumba.

7 Vakanga vaine rwiyo runoti,Vakanga vaine rwiyo runoti, "Ona vanhu vako Mwari , ko dzose nguva unovachengeta iwe, ko dzose nguva unovachengeta iwe".

8 Rwiyo irworwo rwaMiriemu rwakanunura vanhu vose kubva mumatambudziko.

9 Miriemu ndiye akaburitsa vanhu vese mukati mematambudziko munyika yose.

10 Vakaburitsazve vanhu vavo kuGuta ravo, kusvikira muno vanhu vari kununudswa.

11 Zvino Miriemu akati,"Baba vandikanganwa here?"

12 "Asi vatumwa vese vakataura munyika, ukavapfekedza."

13 "Kufanana nemusi uye makavaburitsa vana veIsiraeri mumatambudziko naMosesi naMiriemu kusvikira vasvike pagungwa riye."

14 "Zvirokwazvo vakabvira gungwa iroro, asi vana vaFaro vakamedzwa vose negungwa iroro."Tarisa Eksodho 15: 1–21.

15 "Nhasi Africa yanga yaburitswa kubva mumatambudziko naMiriemu."

16 Vanodaro Baba,"Unoti kudiiko mwana weAfrica?"

17 Mukati memusangano uyu, makaratidzwa zvirema zvitatu; zvakasimudzwa zvakanzi ndiMiriemu apo akatsika munyika.

18 Pakarepo zvakafamba zvirema izvozvo mukati meDivi; izvi zvakaratidza chokwadi bedzi chaBaba.

19 Mukati memusangano iwoyu makaratidzwazve vana vakakwana makumi maviri vane vanomwe.

20 Vanodaro Baba,Vanodaro Baba, "Vana ava ndevaMiriemu, hambakamba yemuDenga.yemuDenga."

21 "Nekuti vana veIsiraeri vakaburitswa; saka nesu takaburitswa mukati mematambudziko ndiMiriemu."Amen.