Kurwara Kwavo, Denda Rekutanga
1 Vakatanga kurwara pamwana wechina kusvikira varwara chaizvo.
2 Mwana iyeye akabva afa.
3 Murume ndokubva atovadzinga, akasara achinyora tsamba yekuti haachadi mudzimai.
4 Baba vacho vaona izvi, vakaenda kuhofisi yeRenji.
5 Ngosi ikati,"Iwe gara nemwana wako."
6 Vanzwa izvi, vakaenda kuchechi kwavakachatira, nekuzivisa mufundisi wekuchechi yeMhanza.
7 Mufundisi akati,"Enda unogara pamusha pako."
8 Kana murume wako auya, tinozonzwa zvaakurambira.
9 Vakagara pamusha pababa vavo.
10 Asi mwana wemukomana akarwara chaizvo, kusvikira vakatora mwana, vakaenda naye kumusha kuna baba vake.
11 Ivo pachavo vakanga vava nane mukurwara kwavo.
12 Murume ndokuti,"Chimbogara zvako."
13 Vari kumurume, vakarwara zvikuru, asi murume haana kufunga nazvo.
14 Murume achibva aenda kuHarare.
15 Denda riya rakanyanya, vakarwara vaine mwana wekugumisira.
16 Murume anzwa kuti varikurwara akauya, akati,"Iwe dzokera zve kumusha kwako kwawakabva. Kana warambira pano hapana anokuchengeta," achibva avadzingirira kuti vaende kumusha kwavo nekuti"maramba muchirwara."
17 "Chiendai zvenyu kumusha kwenyu."
18 Zvakati vaenda kumusha kwavo, vakaenda vachifungisisa kuti,"Ko vana vangu, nechirema changu, vose vari kumurume."
19 Vafunga izvozvi, vakadzokera kumurume.
20 Vasvika ikoko hosha yakavabatazve, vakarwara zvekare vari ikoko kumurume.
21 Vatevera ava, Vamai Ema Nyamushanya, muroora wavo, vanoti,"Ini ndotora mwana wangu, nekuti vanoti kana vauya kuno anoramba achirwara zvikuru zvakadai."
22 Vachibva vavatora nekuenda navo.
23 Vari kumusha kwavo vakarwara zvikuru zvisina kumboitika.
24 Murume akanzwa izvi, haana kumbotevera kana kufunga nezvazvo.
25 Murume asara kumusha kwake, akasara akafunga kuti,"Ko vana vangu?"
26 Vakatevera kumusha kwavo.
27 Asvika ikoko achibvunza vana vake, akavaona, akaita zvekubvuta.
28 Akati,"Haungatori vana vose." Kubva vakati,"Ngatiendei tose, haunganditoreri vana vose."Vakaenda vose.
29 Vaenda nemurume vakasvika ndokurwara zvekare.
30 Vabereki vanzwa kuti mwana wavo ari kurwara zvekare, vakatuma munhu kunovatora.
31 Asi murume wacho akasvika nekumudzinga.
32 Munhu uyu adzoka, akataura zvose.
33 Baba vacho vakatevera vega, vakasvika kunotora mukunda wavo.
34 Haana kuzodzokera zvekare kusvikira nanhasi.
35 Nekuti murume wavo akanga avanetsa kwazvo.