Guta Ra Jehova
Lesson 101

Matenga Vanomutsa Vakafa muBulawayo

1 Mukati mehosha zhinji dzaiuya nevanhu, makauyawo vamwe vanhu vakanga vakunhuhwa rufu chaizvo.

2 Matenga vaivanamatira kuti vaone upenyu zvakare.

3 Vaiti ukavatarisa, bva isukufunga kwenyama taiti nhasi anoswera afa, kana kuti mangwana anofuma asisiko atofa.

4 Asi Matenga vakanga vachida kuratidza ukuru hwavo munyika, kuti vanhu vaone kuti iri basa ndere chokwadi .

5 Vaiti Matenga varikutaurirana naBaba vari kudenga vanhu vaShe, vaichairana foni dzemweya kwete dzenyama.

6 Saka ini ndinoti chandakaona hapana mukuru akachiona.

7 Zvino Matenga vakanga vaona huwandu hwevanhu vakanga vodakufa, kuratidza pipi .

8 Matenga vakati,"Baba makandituma muzvokwadi."

9 "Nzendo dzose dzandakafamba handina kumboita rufu, ko zviita seiko Baba? Ratidzai chokwadi chenyu bedzi.chenyu bedzi."

10 Matenga vakati,"Chese chandino kumbira vanondinzwa, neni ndinovanzwawo zvose zvavanondiudza."

11 Pakauyawo mumwe mukadzi akanga apera mweya.

12 Matenga vakutaura naBaba vakati,"Ndinoitei? Dzikisai mweya wenyu."

13 Pakarepo mukadzi uya akatutsirwa mweya akabva apona.

14 Akasimuka akafamba akareurura zvese zvaaichisoita kare.

15 Vanhu vaShe, mbiri yaBaba yakashamisa zvikuru kwazvo muBulawayo.