Guta Ra Jehova
Lesson 32

Tsananguro ReBasa raMatenga

1 Takagara makore nemakore; handisati ndamboona kurapwa kwakadai uko kunoitwa naMatenga vaMwari paGuta raJehova.

2 Zvinoshamisa kurapa uko kwavanoita.

3 Wese munhu aripo anozairwa neruoko chete runoyera.

4 Vanorapa kaviri pazuva, asi kurapwa kunotora awa rimwe nemaminitsi mashanu chete.

5 Vanotanga zvirema, kouya varume, venhumbu, varwere, vekuuchikwa, mapofu nembeveve, kozouya vedenda.

6 Vese ava vanorapwa kwenguva pfupi kwazvo ikoko.

7 Vamwe vanonoka kupona nenzira yezvikonzero zvavo.

8 Ndivo vaya vanoita zvisingadiwi nemutemo waMatenga.

9 Panorapiwa nenguvaya yandataura, vanhu vese vanopera kurapiwa nekanguva ikako.

10 Hapana mumwe chete anosara kurapiwa; vese vanorapiwa, kubvira varume, vakadzi vese nevana vanorapiwa.

11 Kudai kusiri kuti ibasa raMwari, hapana dhokotera kana n'anga zvayo ingarapa huwandu hwakadaro nekanguva ikako; hapana.

12 Kuzvisikwa zvenyama zvose hapana angaita zvakadaro, kupedza kurapa vanhu nekanguva shomanana chete.

13 Hapana anorapiwa akabvisa hembe, asi Matenga vanotorapa pamusoro pehembe yemunhu, anopona chete.

14 Matenga vanotsaira benzi neruoko, benzi richirumba; munhu anopona ariwese.

15 Ruoko rumwe chete runobata hosha dzakasiyana-siyana, dzose zuva nezuva.