Kutendesa Kwemadzimambo Pamberi paMatenga
1 Vakati vapedza kuratidzwa Basa raMatenga.
2 Madzimambo akatanga kusimuka umwe neumwe achitendesa nezvakanga zvaitwa pamberi pavo.
3 Mambo Zimunya vakasimuka vakataurawo nekutenda kwavo.
4 Mambo Mutasa vakasimuka vakatendesawo, naMaranke, naChidara.
5 Ese madzimambo aya akatendesa nekuvakwa kweGuta, musina bopoto, nezvavakaswera vachiona pamuswere wese.
6 Vakati,Vakati, "Nhasi, hapasisina munhu anozouya achitinyeperazve, kuti Guta rakati kana kuti Matenga vakati, nekuti nhasi tagutsikana isu.vakati, nekuti nhasi tagutsikana isu."
7 "Hokoyo kune avo vanouya vachidaro pamberi pedu."
8 "Isu tagutswa nezviri pano; hameno hako uchiri kupokana pane izvi; basa riri pano ndera Mwari .."
9 Mukutendesa kwemadzimambo aya kwanga kuchityisa kwazvo.
10 Nekuti hapana nemumwe wavo akanga achishora Basa raMatenga kwete.
11 Kuzoti vapedza kutaura, Matenga vakasimuka vakatendesa nekuuya kwemadzimambo aya.
12 Pakarepo Gwayana rakati,"Basa roga randakauyira muAfrica ndiro rinozvipupurira, kwete ini kuzvirumbidza."
13 Mwoyo wangu wakaenda panoti,"Africa iwe, takanga takomborerwa". Amen.