Guta Ra Jehova
Lesson 142

Ruwadzano RwaJeneti

1 Jeneti akanga ari munyika, asi apo pakafa Jesu akatambudzika kwazvo.

2 Akati,"Mamuuraireiko akanga achishanda basa rakadai?"

3 "Ingawani akamutsa vakafa, akasvinudza mapofu, matsi dzakanzwa, zvirema zvikafamba, mbeveve dzikataura."

4 Kuzoti apfuudzwa munyika, akanopiwa basa muDenga, akapiwa bhachi dzvuku uyo uri mufananidzo weRopa raKristu.

5 Matenga vapfuudzwa munyika, vakanosangana naJeneti.

6 Ndorwu Ruwadzano rwakadzika ruchibva muDenga ruchidzika pasi.

7 Pakanga pasina aninaani akanga achizviziva munyika.

8 Matenga vauya, vakatsanangura neyunifomu.

9 Rikati,"Vanangu, yunifomu yandakanosangana nayo muDenga ndiyo iyi tsvuku."

10 "Dzimwe dzose idzi handina kudziona; ndedzekushumba."

11 Vanodaro Matenga , Jeneti vakabva muRopa raKristu rakayevera pamuchinjikwa.

12 Ndimo makabuda iyi hambakamba yeDenga.

13 Vanogara vakatsvuka-tsvuka vachigarira kuti Matenga vanouya riniko, havana zororo.

14 Ndimo makabva upfumi hwese.

15 Vanogara vachiimba nekureva shoko nemabhaibheri avo, nezvigurangu zvavo mumaoko avo. Amen.