Ruwadzano RwaJeneti
1 Jeneti akanga ari munyika, asi apo pakafa Jesu akatambudzika kwazvo.
2 Akati,"Mamuuraireiko akanga achishanda basa rakadai?"
3 "Ingawani akamutsa vakafa, akasvinudza mapofu, matsi dzakanzwa, zvirema zvikafamba, mbeveve dzikataura."
4 Kuzoti apfuudzwa munyika, akanopiwa basa muDenga, akapiwa bhachi dzvuku uyo uri mufananidzo weRopa raKristu.
5 Matenga vapfuudzwa munyika, vakanosangana naJeneti.
6 Ndorwu Ruwadzano rwakadzika ruchibva muDenga ruchidzika pasi.
7 Pakanga pasina aninaani akanga achizviziva munyika.
8 Matenga vauya, vakatsanangura neyunifomu.
9 Rikati,"Vanangu, yunifomu yandakanosangana nayo muDenga ndiyo iyi tsvuku."
10 "Dzimwe dzose idzi handina kudziona; ndedzekushumba."
11 Vanodaro Matenga , Jeneti vakabva muRopa raKristu rakayevera pamuchinjikwa.
12 Ndimo makabuda iyi hambakamba yeDenga.
13 Vanogara vakatsvuka-tsvuka vachigarira kuti Matenga vanouya riniko, havana zororo.
14 Ndimo makabva upfumi hwese.
15 Vanogara vachiimba nekureva shoko nemabhaibheri avo, nezvigurangu zvavo mumaoko avo. Amen.