Guta Ra Jehova
Lesson 27

Mukadzi Akafa kuGuta Ravo

1 Pano ndinotaura nezvemumwe mudzimai akafa kuGuta rekutanga repaSeke, aigara kwaChikwaka.

2 Mai Kahari vaiva mupurisa weGuta raJehova, vaitsvairisa vamwe muGuta.

3 Kuzoti pamusi wekufa kwake, vakarwara; vakanga vaenda kumusha kwavo, kuzoti vadzoka vari kurwara kwazvo, vasvika paGuta vakabva vafa ipapo kuGuta ravo.

4 Guta rose rakatinhira zvinotyisa kumunhu wose.

5 Matenga vamire pachita chavo vanoti,"Uyu ndiye mwana akateerera mirairo yangu, mwana akatendeka kwazvo."

6 Apinda mumusha weDenga.

7 Kune vazhinji vakauya paMatenga vakafa, asi havana kupinda kwete nekuti vakanga vasina kureurura zvakakwana; ndivo vakaedza Mwari , vakadzoka vava madhimoni.

8 Vanhu vaMwari ngatiregei kunyengedza; ndiyeyu akauya pachokwadi.