Lesson
27
Mukadzi Akafa kuGuta Ravo
1 Pano ndinotaura nezvemumwe mudzimai akafa kuGuta rekutanga repaSeke, aigara kwaChikwaka.
2 Mai Kahari vaiva mupurisa weGuta raJehova, vaitsvairisa vamwe muGuta.
3 Kuzoti pamusi wekufa kwake, vakarwara; vakanga vaenda kumusha kwavo, kuzoti vadzoka vari kurwara kwazvo, vasvika paGuta vakabva vafa ipapo kuGuta ravo.
4 Guta rose rakatinhira zvinotyisa kumunhu wose.
5 Matenga vamire pachita chavo vanoti,"Uyu ndiye mwana akateerera mirairo yangu, mwana akatendeka kwazvo."
6 Apinda mumusha weDenga.
7 Kune vazhinji vakauya paMatenga vakafa, asi havana kupinda kwete nekuti vakanga vasina kureurura zvakakwana; ndivo vakaedza Mwari , vakadzoka vava madhimoni.
8 Vanhu vaMwari ngatiregei kunyengedza; ndiyeyu akauya pachokwadi.