Guta Ra Jehova
Lesson 1

Basa raMatenga. Matenga ndiMwari. Kuberekwa kwaMatenga

1 Matenga vakaberekwa munyika yaMambo Mutekedza.

2 Rudzi rwavo rwaiva rweVashawasha vekwaChinamora.

3 Kutanga kwerungano rwaMatenga, mwana waNyamushanya, vaigara munyika yaRenji; sabhuku wavo vaiva Jiti, Mambo Mutekedza.

4 Asi vakaberekwa vari vatatu mumba mavo.

5 Wokutanga ndiRonganai, Huchu murume, kwozouya Matenga .

6 Asi vari mwana waNyamushanya.

7 Baba vavo naMai havana kuvaziva.

8 Vakafa vachiri vadiki muna Gumiguru 1914.

9 Baba vakatanga kufa, mai vavo vakazosara vofawo mumashure.

10 Vabereki vavo vakafa vachiri vadiki, havana kumbovaziva.

11 Vakasara vari nherera chete.

12 Vakasara vakakurawo, hanzvadzi yavo ikazoroorawo.

13 Mukadzi wehanzvadzi yavo Huchu, Nyamushanya, vaivachengetawo.

14 Vakakura vakazoroorwawo naVaChaza, asi vakanga vasingadi kusiyana nechechi.

15 PaChaza ipapo ndivo vaiva Sabhuku munyika yaMambo Svosve.

16 Pakuroorwa kwavo vakachata muChechi yeWesiri.

17 Asi vakazova Mai veRuwadzano vakuru.

18 Vakadisisa zvechechi kukunda zvenyika.

19 Vakazobereka vana vavo, wekutanga musikana.

20 Vasikana varongomuna, vakomana varongomuna.

21 Vakazofa vari varongomuna, ndivo vana vavo chete vavakabereka.