Basa RaMatenga. Matenga NdiMwari. Kuberekwa KwaMatenga
1 Matenga vakaberekwa munyika yaMambo Mutekedza.
2 Rudzi rwavo rwaiva rweWashawasha vekwa Chinamora.
3 Kutanga kwerungano rwaMatenga, mwana waNyamushanya, vaigara munyika yaRenji; sabhuku wavo vaiva Jiti, Mambo Mutekedza.
4 Asi vakaberekwa vari vatatu mumba mavo.
5 Wokutanga ndiRonganai, Hucu murume, kwozouya Matenga .
6 Asi ari mwana waNyamushanya.
7 baba vavo naMai havana kuvaziva.
8 Vakafa vachiri vadiki muna 1914 October.
9 baba vakatanga kufa, mai vavo vakazosara wofawo mumashure.
10 Vabereki vavo vakafa vachiri vadiki, havambovaziyi.
11 Vakasara dziri nherera chete.
12 Vakasara vakakurawo, handzadzi yavo yikazoroorawo.
13 Mukadzi wehandzadzi yavo Hucu, Nyamushanya vaiva chengetawo.
14 Vakakura vakazoroorwavo na Mr. Chaza, asi vakange vasingadi kusiyana nechechi.
15 PaChaza ipapo ndiyevaiva Sabhuku munyika yaMambo Svose.
16 Pakuroorwa kwavo vakachata muchechi yeWisiri.
17 Asi wakazova mai veruwadzano mukuru.
18 Vakadisasa zvechechi kukunda zvenyika.
19 Vakazobereka vana vavo, wekutanga musikana.
20 Vasikana varongomuna, vakomana varongomuna.
21 Vakazofa varongomuna, ndivo vana vavo chete vavakabereka.