Lesson
4
Zvishamiso Zvekutanga
1 Chishamiso chakaitwa chekutanga mugomo rinonzi Chivako, ½ mairo kubva pamusha pavo, nevarume vakatangisa kuwoniswa ndi S. Mhundwa, J. Mhundwa, M. Nyamunda, M. Bumhira naMai Nyamushanya.
2 Varikuyenda kugomo imomo kwakangakuine rima.
3 Asi mweya wakava venekera warikukwira mugomo imomo.
4 Vasvika pamusoro paro, Matenga vakakwira pamusoro pemahwe ava vanhu vakawona izvozvi vakabatwa nemasimba mazhinji chaizvo.
5 Vakaputsikira mumahwe asi hapana akakuvara zvake.
6 Zvakava neku vatyisa chaizvo.