Guta Ra Jehova
Lesson 136

Muchato Wemwana WeMatenga MuGuta Ra Va Jehova

1 Muchato wemwanakomana weMatenga wakanga uri muchato we jaha ne mhandara.

2 Muchato uyu wakanga wayeriswa mudenga nemunyika, muchato wemu Jerusarema .

3 Muchato wevatumwa wakanga wakasangana ne musangano we kuberekwa kwemwanakomana munyika ishe Jesu.

4 Muchato iwowu wakanga uri kupenya zvakanga zvichityisa kwazvo.

5 Muchato wakachatiwa vane mbatya dzomweya Dzakanga dzichipenya sendarama.

6 Vabereki vemusikana vakanga Vauya vachibva Chipinge.

7 zvino ndakawona hamba kamba dziye Dzakanga dzagarwa nevatumwa vedenga vachiyenda mumba makanga muina nyamuchatiswa.

8 Vateura imomo zvakatyisa kwazvo.

9 Vazhinji vakanga varimudivi umo makanga mechiimbwa Jerusarema musha wangu musha wakanaka.

10 Muchato uyu we muJerusarema wakanga vakafanana newekenani ye garire tarisa Johane 2. 1–12.

11 Vavamukati medivi vakanga vakatarisa kumabva zuva, vakanga vari vatumwa chete.

12 Matenga vasimuka vakanga vaine mbatya dzainanikira Sezuva.

13 Vakati vanhu vakanga vachitarira vachiti tichawona zvaanonzi mwana wevakatumwa munyika.

14 Zvaari mudomeni wani zvichida achatadza nevakunda evanhu.

15 Asi kununurwa bedzi mune Zvakadaro nababa varimudenga.

16 Rikati nhasi mwenje watapidzwa pamusoro pembgwe kwete pasi pedengu.

17 Ndinotenda Matenga nebasa guru ravakaita iri.

18 Matenga vaitaura aya mashoko rizere nemasimba edenga.

19 Raiti rikasvetuka pamberi panyamuchatiswa, pekarepo ndakawona vanyamuchatisa vachibatwa nesimba.

20 Zvapera vanhu vakakanda zvipo zanyamuchatiswa.

21 Tapedza Vavhangeri Vakasimuka vakati kwagadzirwa kudya kwanyamuchatiswa.

22 vanhu vazhinji mazana nemazana wakagutswa pamuchato iwowo.

23 Kuzoti tapedza tadzokaze mudivi , Matenga vakasvika richiti nditendereyi naJeneti.

24 zvino vanhu vakanga vachitenderera divi wechiimba, vachifarira nyamuchatiswa.

25 Matenga vakati muchato wemwanakomana weMatenga muchato wevatumwa.

26 Rikati muchato we jaha nemhandara vana vasina kutapudzwa ropa.

27 Vanodaro Matenga muchoto vapera, rikatenda kuvanhu varo nemuyimbi Jeneti .

28 Shure kwemuyimbi rinoti tsvitsa yomudenga kutenda zvipo zvapiwa nyamuchatiswa.

29 Haana hama pano asi imi ndimi hama dzacho ne madzisekuru acho.

30 Nevakoma wanin'ina nemadzimainini mashandira mumweya pasvitsa yomweya.

31 Matenga vangaropafadza aya mashoko nekusingaperi. Amen.