Matenga Vanoisa Vaparidzi Munyika
1 Yakanga iri svondo yemasikati apo Matenga vakasimuka vakati,
2 "Nhasi zvanzi naBaba vari kudenga, unofanira kusarudza vaparidzi nevatungamiriri vako munyika yose."
3 Zvikanzi,"Varume vese vemunzvimbo dzakasiyana-siyana, simukai muende pedyo nengarava yaMatenga."
4 Vakazvigogara vakati: Mutare yega, Harare, Bulawayo, Chipinge, Sipolilo, Sinoia, Marandellas, Rusape, Gunde kwakabva Matenga , Nyanga, Munyanyadzi, nedzimwe nzvimbo zhinji dzakasiyana-siyana.
5 Matenga vakauya pavakanga vakagara vakaita mapato nemapato.
6 Zvino Baba vakanga vaine mwenje waityisa kwazvo.
7 Raiti,"Paramira"; rikanangisa roti,"Nhingi nanhingi maitwa vaparidzi; nhingi nanhingi maitwa vatungamiriri."
8 Raifamba richipa uparidzi neutungamiriri muvanhu vaRo.
9 Rakanga richisarudza rine Vavhangeri neN'anga dzeGuta, Beta naJemusi.
10 Kuzoti tava Mudivi , Baba vakasimuka vakati,"Kuzondinyadzisa bedzi."
11 "Ndinokupai zvigaro zvinotyisa, bva imi moita zvenyu zvekutamba nazvo."
12 Asi mumwe murume akanzi ndiye Muparidzi Mukuru weAfrica yose.
13 Vamwe vaparidzi nevatungamiriri vakasarudzwa kuti vanozoita basa rekupfekesa vanhu yunifomu yeMweya Mutsvene nemabaneri acho.
14 Baba rakati,"Tarirai muone basa raBaba rakura iyezvino."
15 Vanhu vaMwari, zvinhu izvi zviripano sandi zvekutamba nazvo.
16 Ini ndinoti vanhu ava vakakomborerwa zvavo, vakaitwa vaparidzi nevatungamiriri.
17 Vozivikanwa munyika nemudenga.
18 Kwete hwepanyama husina chiyamuro huya; taifanira kuisa ndangariro dzedu kwakadzama, vanhu vaMwari.
19 Saka Baba vane madanho nemadanho, ekuti tione kuzopinzwa navo mukati meDenga. Amen.