Guta Ra Jehova
Lesson 166

Pipi Rokupedzisira PaIsita Yokugumisira naMatenga

1 Pipi rokugumisira iri rakaitwa naMatenga mukati meDivi rakatyisa aninaani akanga aripo zuva iroro.

2 Zvino vanhu vakanga vakapfekedzwa vakanzi,"Garai pasi."

3 Pakarepo vakadzi vaviri vakaputsikira pasi, vakati rakata sevafa.

4 Pakanga pasara pamwoyo yavo benzi, sezvo vakanga vagarwa nemweya yakaipa, madhimoni.

5 Zvino Baba vakati,"Vanhu vese garai pasi"; vakagarawo vese.

6 Zvino Matenga vakashingaira nevakadzi ivavo, vakati,vakashingaira nevakadzi ivavo, vakati, "Vatorei muvaendese paseri pemuti uya uri Mudivi vakatekwatekwa.vakatekwatekwa."

7 Zvino Baba vakashingaira navo sezvo vakanga vafa.

8 Asi Baba vakashingaira navo, vakashingaira navo; vakabva vavamutsa mukufa vakauya navo mukati meDivi, vozvifambirawo vega.

9 Vanhu vese vakanga varipo vakashama, vamwe vavo vakati,Vanhu vese vakanga varipo vakashama, vamwe vavo vakati, "Chokwadi uyu ndiMwari.uyu ndiMwari."

10 Pakarepo Matenga vakamira pakati peDivi vakatarisa kumabvazuva.

11 Kanguva ikako vakasungisa chari yavo muchiuno chavo, vakatambanudza maoko avo kudenga, vakatinhira nemasimba anotyisa chaizvo.

12 Vakati,"Heyo mabasa Africa, ayo ari pamberi pako nhasi; unoti kudiniko mumwoyo wako iye zvino?"

13 Vakati vavanga vakatarisa,"Ndiyani anga achaziva kuti vachamuka iye zvino?"

14 Zvino Divi rose rakashama chaizvo; vakuru nevadiki vakati,"Uyu ndiMwari wechokwadi, nganamatwe uye ngarumbidzwe."

15 Pakava nemusangano unotyisa chaizvo, musangano wekupedzisira naMatenga.

16 Vanhu vaishe hatina kuziva chinhu pakuwanda kwakaita vanhu kudaro.

17 Nyamba Matenga vakanga vari kuonekedzana nevanhu vavo.

18 Nekuti vamwe vazhinji vakabva vagumisidza kuonana naMatenga panyama panguva idzodzo.

19 Uye vakaita izvi kuti munhu wese anatse kuzvionera kuti vakanga vasiri munhu akafanana nesu.

20 Asi mabasa ese akasiiwa aiswa pachena, uye zvava kwauri kufunga kuti,"Ndingavaitireiwo Baba ava?"

21 Vaidaro ivo Baba, kuvakudza Matenga nekureurura nekuchengeta zviziviso ndihwo upenyu, bedzi nekuchengeta mirairo.

22 Tine rombo rakanaka takanga tiripo zuva iroro, uye tine mhosva pamberi pavo takaaona mabasa anoshamisa akadaro.

23 Taifanira kutyiswa, vanhu vaShe; Matenga ngavakomborere aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.