Guta Ra Jehova
Lesson 34

Zviratidzo zvaMatenga

1 Vanhu vaMatenga, avo vavakabata pamusoro, vakawanda kwazvo munyika yose.

2 Asi pakati apa, kune vamwe vavo vakachengeta mitemo, asi vamwe havana kuchengeta kwete, sekurairwa kwavanenge vaitwa iwo.

3 Panoti nerimwe zuva kwakava nechiratidzo chemwana akafa achichiri mwana mucheche.

4 Apiwa muti nasekuru vacho kumusha kwavo, akarwara kwazvo, nekuti akanga ari mwana waMatenga.

5 Akanga apiwa mushonga achifunga kuti apone.

6 Nyamba uya haadye mishonga yenyika kwete. Akadya akabva afa.

7 Shure kwemazuva mashomanana afa, mwana uya akabva aita shungu kuna sekuru vake.

8 Kuti,"Makandipireiko mushonga, imi muchiziva kuti handidye mishonga, kusvikira ini ndife?"

9 "Ko, Matenga vakanga vafa here? Kuzondipa mushonga wenyu wemunyika; ini ndanga ndiri wenyama here?vakanga vafa here? Kuzondipa mushonga wenyu wemunyika; ini ndanga ndiri wenyama here?" Rakava pipi guru.

10 Zvinoitika paGuta raJehova zvinoshamisa kwazvo.

11 Uyu mwana akataura pana sekuru vake neizwi diki remwana mudiki.

12 Zvakashamisa aninaani akanga aripo.

13 Matenga vamire pamberi pevanhu vavo vanoti,"Mazvionera mega."

14 "Ndiri kumutambudzikira siku nesikati kuti muone vana, nyamba muri kuuraya vana vangu mumamisha menyu nenzira yekudarikira mitemo yaMatenga chete."

15 Iri rakava pipi , rakatiyisa chaizvo kuna aninaani paGuta raJehova idzva.