Guta Ra Jehova
Lesson 36

Pipi Guru Kuimba kweVatumwa muGuta Idzva Mugomo

1 Saka nhasi ini ndinoti zvandakaona, nezvandakanzwa nenzeve dzangu, hapana mukuru akambozviona munyika; saka ndinoti uyu ndiBaba akauya zvechokwadi.

2 Ndinoti vakakomborerwa vakasangana naMatenga vachiri munyika; ini ndinofara vanhu vaMwari.

3 Nekuti handisati ndamboona zve munyika anobudisa mashura nezviratidzo zvakadaro.

4 Yakanga iri nguva yeavo vakanga vakwidzwa mugomo kunotora ngundu .

5 Rava zuva remangwana, atova masikati vanhu vari muchechi, paiva nemumwe murume ari kuparidza shoko raMwari.

6 Vanhu vese vari kuteerera shoko, vakanzwa vatumwa vachiimba Rwiyo 100,Vanhu vese vari kuteerera shoko, vakanzwa vatumwa vachiimba Rwiyo 100, "Ishe Taungana Mumba MenyuTaungana Mumba Menyu".

7 Vakapamidzira zvekechitatu vachiimba vari mugomo riri ipapo.

8 Tese takanga tiripo takanzwa nenzeve dzedu tese.

9 Hapana nemumwe zvake asina kuzvinzwa.

10 Vanhu vese vanzwa kuimba kwakadaro, vakabatwa nemasimba kwazvo.

11 Zvakatityisa kwazvo kunzwa vanhu vedenga vachiimba isu tichiri vapenyu munyika.

12 Vanhu vaMwari tine rombo rakanaka kwazvo.

13 Neniwo munyori ndinotenda Matenga nekuti ndakaona izvi ndichiri mupenyuwo munyika.

14 Kuzoti ava manheru vanhu vari Mudivi , kwakapenya zvinotyisa kwazvo, kwakaonekwa nyeredzi huru kwazvo.

15 Vanhu vari kuimba, yakaonekwa yava pamusoro pavo vachiinangisa vachiimba; yakanga ichipenya iripo, ikajekesa kwazvo.

16 Vese vakaona izvi, kana nemwana mudiki akaonawo iyi nyeredzi yaipenya.

17 Zvizhinji zvakaratidza Matenga kuvanhu vavo nguva nenguva, kunyanya paGuta idzva.

18 Mumwoyo yenyu makafungawo zvipi? Muchiri munyika kune vakaona zvishamiso zvakadaro.

19 Zviri kwauri iwe neni kuti tiise pfungwa pakadzama, vanhu vaMwari.

20 Aya akava mapipi makuru kuvanhu vavo.