Guta Ra Jehova
Lesson 39

Muchato Wokutanga muGuta Idzva

1 Kwakati nerimwe Svondo paiva nemuchato waIzeki Kudzionera paGuta raJehova.

2 Vakachatiswa naMufundisi Rev. J. Patsika wekuGunde, wenyika yeBuhera, ndiko kumusha kwake.

3 Asi Mambo Zimunya vaivapowo nevanhu vavo.

4 Vakanga vauya kuzopa Matenga imba yavo.

5 Mufundisi anoti,Mufundisi anoti, "Ndafara nekuti Matenga vakabva muChechi yeWesiri, saka havana kukanganwa kwavakabva.vakabva muChechi yeWesiri, saka havana kukanganwa kwavakabva."

6 Anoyeuka kwaakabva nekwaakatora iri basa.

7 Rev. J. W. Patsika anoti,Rev. J. W. Patsika anoti, "Dai vafundisi vese vachiuya pano kuzotsigira iri basa, kuti kuonekwe chokwadi chaMwari.chaMwari."

8 "Ndinotenda varume nevakadzi; makataura zvitadzo zvenyu zvese pamberi paMatenga."

9 "Mukauya kuzotsvaga upenyu hwaMwari."

10 Anoti,"Musazodzoka shure zvakare, vanhu vaMwari."

11 "Tsamba yaMateu inoti, 'Tsvagai muchawana'; kunyange mukashaya hupenyu hwenyama, tsvagai Umambo hwaMwari.hwaMwari."

12 "Mwari vakakupai Matenga kuti muone nzira yekupona panyama nepamweya.kuti muone nzira yekupona panyama nepamweya."

13 Mufundisi apedza kutsigira iri basa idzva.

14 Baba vanyamuchatiswa vakatsigirawo nemazwi mashomanana.

15 Kukazokandwa zvipo zvanyamuchatiswa.