Kirisimasi paGuta mwaZimunya
1 Kwakati rutondedzo rwekuberekwa kweGwayana Guru reDenga, yasvika nguva yeKirisimasi, ndakaona vanhu vazhinji vachiuya chaizvo.
2 Vanhu vakawanda zvakanyanya.
3 Vanhu ava vakanga vabva munyika dzakasiyana-siyana dzose.
4 Zvakanga zvamboporofitwa naMatenga kuti,"Kuri kuuya vanhu vazhinji"; asi zvakaitawo saizvozvo.
5 Vanhu ava vaiuya nezvitima, vamwe nemabhazi, vamwe nemarori, vamwe nemotokari, vamwe nemabhasikoro, vamwe vaifamba zvavo netsoka kuuya kuzoponeswa chete.
6 Vanhu vaiuya kuzoponeswa hosha dzavo dzakasiyana-siyana.
7 Kuzoti zuva rasvika reKirisimasi, vanhu vakafuma kumuka, vachiimbaKuzoti zuva rasvika reKirisimasi, vanhu vakafuma kumuka, vachiimba "Jerusarema Musha WanguMusha Wangu" vachitenderera neGuta rose.
8 Matenga vakauya vakapfeka nguwo chena chete, vakarapa naidzodzo, nekuti vakanga vanzi naMatenga,"Unofanirwa kupfeka mweya chete."
9 "Ndozvaunorapa nazvo; unobvisa idzo dzeun'anga idzo unosorapa nadzo."
10 Matenga vanoti,"Ndafambafamba nenyika yose, ndaona yakagadzirira chaizvo. Asi ndaona vamwe vatsvukatsvuka ropa mukati menyika."
11 Vanoti Matenga ,"Ndayemura imi makakokwa naVaJehova, muri pano paGuta."
12 "Hamuoni here kuti tose tiri pano ropa redu rakasununguka tose nhasi?"
13 Matenga vanoti,"Nhasi Jesu vaberekwa kune mumwe nemumwe mumwoyo yenyu."
14 "Izuva renyu rekupembera nhasi."
15 "Asi kune vari kunze nhasi vari mupfupfu nhasi."
16 "Asi imi muri muno kudzai Matenga zvazviri nekuti makapfeka mbatya dzemweya chete.zvazviri nekuti makapfeka mbatya dzemweya chete."
17 "Muchikudza Zuva Guru reGwayana Guru reDenga."
18 Kuzoti ava masikati, vatumwa vadaidzwa, vakabudazve vapinda mukati mehana dzevanhu.
19 Masimba akawandisa chaizvo kuratidza basa raMatenga; vatumwa vakaimba mugomo tikazvinzwa.
20 Pane zvizhinji zvakaitwa naMatenga zvinotyisa, zvizhinji-zhinji.
21 Vanhu vakazofora seMazuva ose, zvipato nezvipato.
22 Kuzoti zvapera, Matenga vanoti,"Ane nzeve dzekunzwa anzwa, ane maziso ekuona aona; saka pane mubvunzo: kana wodzokera shure tichanosangana ikoko."
23 Asi vanhu vese vakanga vakapfeka zvichena neveyunifomu dzavo.