Guta Ra Jehova
Lesson 20

Kufamba kwaMatenga

1 Matenga vanoponesa vanhu vazhinji parwendo rwavo nevanhu vavo vazhinji.

2 Zvino yakati yasvika nguva yekuronga kwaMatenga, vachinge munhu kuvanhu ivo vari Mwari .

3 Nemazuva iwayo, kwakanga kuine vanhu vazhinji-zhinji, zviuru nezviuru, mazana nemazana evanhu muGuta rekutanga.

4 Matenga vakati,"Mweya wati chifamba uende kwaChitsunge, ukabva uende kwaMutare, wozodzokerazve."

5 Kuzoti vasimuka nemotokari yaVaChakanyuka, vaiva mufolosi wevarwi paGuta raJehova, yaityairwa nemuridzi wayo.

6 Ndimo maiva naMatenga.

7 Vamwe vakakwira dzimwe dzacho motokari.

8 Marori mana; hafu tani yechishanu ndiyo yaiva nevazere.

9 Dzimwe dzaiva nezvirema, imwe nevese vakanga vaine nhumbu dzemakore, imwe nevanhu vamwe.

10 Asi vazhinji vakasara vari muGuta.

11 Vachitarisira kuti Matenga vachauya sekutaura kwavo.

12 Mumarori iwayo, vanhu vainzi naMatenga,"Imbai rwiyo rwerwendo runonzi..."

13 "Ona vanhu vako Mwari , kudza dzose nguva unovachengeta iwe pane nzvimbo dzose., kudza dzose nguva unovachengeta iwe pane nzvimbo dzose." Pasi pose pakatinhira nerwiyo irworwo.

14 Zvino vakayambuka rwizi runonzi Save, nepamabhiriji pakati peusiku, vaipfuura nemumisha.

15 Vachiimba rwiyo rwavo rwerwendo, vakaona vanhu vazhinji-zhinji vakanga vakaungana mumadzinzira pakati peusiku, nekuti vakashamiswa nemutinhimira wekuimba kwavaiita.

16 Kwakanga kusina aninaani akambonzwa mutinhimira wakadaro, nekuimba rwiyo rwaMwari.

17 Vamwe vakanga vakamira mumadzinzira, nevaiva nezvirwere zvakasiyana-siyana vakaponeswa.

18 Vazhinji vaishevedzera vachiti,"Tiponeseiwo."

19 Ipapo Baba vakamira vakatarira kwavari.

20 Vakati,Vakati, "Kutenda kwenyu kwakuponesai, vana vangu.kwenyu kwakuponesai, vana vangu."

21 Vasvika paChitsunge, vakagashirwa naIshe wemunyikamo, namufundisi weipapo paGunde.

22 Zvechokwadi ndaizvionerawo nemaziso angu ano.

23 Iri basa riri kushandwa nemasimba aMwari.

24 Matenga vanoti,"Uyai muone, muzvionere mwese pakabva basa iri mugomo."

25 Matenga vanoti,vanoti, "Ndimo makabva ruponeso , rwekupa vanhu vana vakanga vasina vana, upfumi hwenyika, neupfumi hwemweya, zvichibva naMatenga vachinge munhu kuvanhu., rwekupa vanhu vana vakanga vasina vana, upfumi hwenyika, neupfumi hwemweya, zvichibva naMatenga vachinge munhu kuvanhu."

26 Takakwira mugomo imomo tose. Pakaitwa munamato , Mutumwa akati,"Ndapiwa mhosva yevasara kudzimba dzenyu mundovatora."

27 Zvanzi,"Ngavauye vazoona pandakatora iri basa."

28 Vauya vese, takaungana pagomo iroro.

29 Ipapo Matenga vakatanga kudaidzira vari mugomo imomo, vachiti,vakatanga kudaidzira vari mugomo imomo, vachiti, "Uyai mutore ruponeso ! Mhanje, uyai mutore vana! Vasina makumbo, uyai mutore makumbo! Vasina meso, vasina nzeve, nevasingakwanisi kutaura, uyai munowana zvose, ndinokupai!! Mhanje, uyai mutore vana! Vasina makumbo, uyai mutore makumbo! Vasina meso, vasina nzeve, nevasingakwanisi kutaura, uyai munowana zvose, ndinokupai!"

30 "Kana mapenzi, nevanoba, nevanopomba, nevanouraya, nevanonwa, nevanoputa; vese vanenge vadavira vachawana upenyu husingagumi."

31 Vanhu vazhinji vakabatwa nemasimba vachiputsikira pasi, asi hapana akakuvara.

32 Ipapo ndakaona vanhu vazhinji-zhinji kwazvo, vakauya vakaunganira Gomo iroro raiva naMatenga.

33 Matenga vachiona kuti vanhu vawandisa zvinotyisa aninaani, pakaimbwa rwiyo rusina aninaani akambonzwa kuimbwa kwarwo irworwo.

34 Vese vakanga vakaungana vakaimba rwiyo irworwo, Matenga vaona kuti kuimba kwavo kwanzwikwa.

35 Vakadaidzira muteyo; vazhinji vakarutsa, vamwe vakabatwa nemasimba zvikuru kwazvo vachiputsikira pasi.

36 Vamwe vakaona zvioneso nemeso emweya, vamwe vakaratidzwa zvinhu zvinotyisa chaizvo zvaibva mudenga.

37 Pagomo ipapo pakatinhira zvinotyisa kwazvo.

38 Zvino Matenga vakabvunza mibvunzo mukati meChita vachiti,"(Vana Pitorosi nana Mariya)" uko ndiko kuti varume nevadzimai,"Ndiani asingatyiswi neizvi?"

39 Ipapo hapana nemumwe zvake akapindura.

40 Pakanga paine vanhu vazhinji-zhinji vakanga vasati vabatwa pamusoro, vamwewo vakanga vasingatendi kuti havasi Matenga .

41 Zvino vakati vaona zviratidzo nezvishamiso zvakaitika ipapo pagomo.

42 Vakati,"Zvirokwazvo, zvirokwazvo, uyu ndiBaba zvechokwadi kuvanhu, vachinge munhu kuvanhu"; ipapo meso avo akatanga kuona chokwadi .

43 Vakaisa pfungwa dzavo pakadzama, vakafunga kusiyawo zvenyika sevamwe.

44 Vakati vadzoka paChechi, pavakasvikira.

45 Vazhinji vaya vakazvionera pagomo.

46 Vakati,"Tinoda kureurura,"zvavakatadzira Mwari vachiri munyika.

47 Kwakanga kuine Mabarani vainzi Enos Rusike.

48 Vazhinji vakauya nenyanga, vamwe nemazango, vamwe nezvimbwanana, vamwe nemapere, vamwe nenyoka; zvinhu zvizhinji Mabarani nevaridzi vazvo, vaiuya kureurura zvitadzo zvakaratidzwa vese mubhuku ravo.

49 Zvino vakati vapera kubatwawo, vachinyorwa vese mubhuku ravo.

50 Matenga vakauya vakavabata pamusoro vese.

51 Asi paimbwa rwiyoAsi paimbwa rwiyo "Tenzi TaunganaTaungana", rwiyo urwu rwakaimbwa, vanhu vazhinji vakapindwa neMweya Mutsvene .

52 Vanhu vauya nenyanga, nezvimbwanana, nemishonga yakasiyana-siyana, zvaipiswa naBeta naJames; vaitora vanhu vacho vaiva nemakona nezvimwe vachipisa.

53 Ava vakomana ndivo vakanga vakapiwa masimba aBaba pabasa iroro.

54 Nerimwe zuva vakaendazve pagomo rimwe racho rinonzi Hunde.

55 Igomo rinotyisa chaizvo, neni ndakanoriona, munyori weizvi.

56 Panopenya chaizvo; vanhu vasvikapo, vamwe vakabatwa nemasimba, nekuti vakanga vasvika panzvimbo inoyera.

57 Ndipo pakabva upfumi wose nenziyo dzinoitiswa iri basa.

58 Kuzoti ava manheru, ndokuenda kwaMutare.