Guta Ra Jehova
Lesson 50

Kugadzirwa Kwemishonga

1 Kunoti Matenga vataurirwa naJehova kuti,"Unofanira kugadzirira vanhu vako mishonga yakasiyana-siyana yemvura."

2 Vakadzi vese veGuta vanoenda kunochera mvura mumabhagidhi avo, kana kuti zvirongo zvemvura.

3 Vanouya nazvo zvizere nemvura, zvichirongwa nevarongi vazvo.

4 Matenga vanoti vauya, vanhu vanoimba nesimba chaizvo.

5 Vanenge vakasimuka vese, Matenga vanonamatira mvura kuti ive mishonga yakasiyana-siyana yese.

6 Kana iri mvura yemaziso, ukaiisa mumaziso unonzwa ichitswinya chaizvo.

7 Mumabhagidhi iwayo anokwana nenguva imwe chete 400 ese.

8 Mvura inosarudzwa kuti ive mishonga yakasiyana-siyana; ndimo munenge muine mishonga yezvirwere zvakasiyana-siyana, zverudzi nerudzi, padenda rechirwere chimwe nechimwe.

9 Kana naJesu akashandura mvura ikava waini. Tarisa kuna Johane 2: 6-11.

10 Unowana chokwadi munaishe.

11 Kana nanhasi Baba vari kushandura mvura ichiva mishonga inorapa vanhu, vachipona pahosha yemumwe nemumwe, pachirwere chake.

12 Ngatiisei pfungwa pakadzama, vanhu vaMwari.

13 Tizivei kuti Mwari vakatitumira mumwe ane nzira yeruponeso.

14 Munhu nemunhu anotozotarisa mvura yemushonga inotozorapa chirwere chake.

15 Nemimwe mishonga yaanenge achizoda kuzoshandisa paGuta kana kumusha kwake.

16 Muyeukei kuti iri iJerusarema ratakaburitsirwa pachena, vanhu vaMwari.

17 Iyi mishonga yemvura ndiyo inobatsira vanhu kana vari mumisha yavo.