Matenga Vanoenda Zimbabwe
1 Tiri mukati merwendo rweZaka, Matenga vakati,"Nhasi vana vangu, ndatutsirwa kuti ndiende Zimbabwe nhasi."
2 Rakanga riri zuva reMuvhuro, takasimuka tichienda, mbira dzaVaJehova dziri kuimbwa.
3 pipi rekutanga nderekuti takanga tisisina peturu, asi Matenga vakaisa vega kusvikira tisvike muMasvingo.
4 Tasvika muMasvingo, tanwa peturu tikaenda paZimbabwe.
5 Takasvika pahofisi yacho tikavaudza tauya naMatenga, vanoda kuona Zimbabwe; zvikanzi,"Ngavaone zvavo nepavanodira."
6 Vanhu vashe, chatakaona hapana mukuru akambochiona.
7 Akati Matenga achatanga kusvika, rakabatwa nemasimba; tosewo nesu.
8 Richipinda apa neapa richitarisa hupamhi hwakaitwa naBaba vari kudenga.
9 Takabva tikaenda kugomo, ikoko kwakavakiwa naBaba.
10 Matenga vatarisa, vakati,"Vana vangu, Zimbabwe rakavakiwa musi wakasikwa nyika."
11 "Uye raiva zororo raJesu apo aifamba munyika."
12 Takauya mugwanza, tapfuura nepaye papunzikira bhazi.
13 pipi rakaitwa ipapo; paimwaya Matenga mushonga wemvura, takanzwa bhazi iroro richitinhira.
14 Tabva ipapo ngarava yaifamba seiri kubhururuka, tikasvika muGuta zuva iroro.
15 Takaona Chita cheGuta chakagarira, kugarira chavane kuziva. Amen.