Guta Ra Jehova
Lesson 158

Matenga Vanoenda kwaHonde

1 Matenga vakati vari muGuta mukaunzwa chichemo nevanhu vekwaHonde, vaidisa kuti vashanyirwewo neGwayana sezvakanga zvaitwa dzimwe nzvimbo.

2 Rakati zuva racho rasvika, Matenga vakati rwendo urwu nderwemasoja.

3 Zvirokwazvo Matenga vakasimuka muGuta nevanhu varo.

4 Vakatakurwa vanhu nebhasi raVaNkomo mushandiri weGuta.

5 Masoja akatora ngoma dzavo, madoropito, mureza, nehosho zvose zvikatakurwa zvikaenda serwendo rwavo.

6 Vasvika ikoko munyika yemaHonde, vakanowana madzimambo akagarira; vaiva Mambo Mupatsi, Mandeya, naMuparutsa.

7 Matenga varikusvika panzvimbo iyoyo, vanhu vazhinji vakanga vaungana venzvimbo iyoyo yiri pakati pemakomo.

8 Paiva negomo raivapo, paiva nerukova rwaishamisa kwazvo pamusoro parwo.

9 Zuva iroro pakabva pauya nemariro aibva mugomo raivapo, asi isu vanhu venyama hatina kuziva chinhu nazvo.

10 Baba vasati vatangisa basa, vakatorana naMambo wenyikayo Mupatsi, vaenda Nyanga kunoona neNgosi yeikoko.

11 Shoko reNgosi vakati,Shoko reNgosi vakati, "Enda zvako Matenga unoita basa rako.unoita basa rako."

12 Vakazoenda nepamwe panzvimbo panonzi Chirikuutsi, nzvimbo tsvene.

13 Asi nzvimbo iyoyo haitsikwe; pakaperera vatema nevachena.

14 Asi Gwayana rasvika ipapo, naMambo, nevavhangeri nevateveri varo.

15 Rakabatwa nemasimba zvinotyisa chaizvo.

16 Pakare ipapo rakamira pedyo ipapo, paiti kana unangisa dziva racho riri nepasi chaizvo.

17 Ipapo hapasaimirwa nemunhu wenyika kwete.

18 Asi Matenga vakamira ipapo vachisvetuka riine mwenje waishamisa kwazvo.

19 Vanhu ivavo nanaMambo iyeye vakatanga kutya zvikuru kwazvo.

20 Nekuti vakanga vasingazivi kuti Matenga ndivo vakasika zvose izvi.

21 Vakafunga kutorwa kwakaitwa vatema nevachena ipapo, vakati,"Nhasi tichadzoka toga."

22 Ipapo Matenga vakaona Jerusarema ; Jobo akauya negore raida kutora Matenga .

23 Vakaona vakomana varefu vakanga vaine zvipfeko zvichena, vaine mapumhu marefu.

24 Shoko rikati,"iJerusarema"; gore rikauyazve raida kutora vese, rikatizve shoko,"Hauzivi here kuti hauna guva pasi pano?"

25 Raveneka, rakaona vese vaye vakatorwa kare vari kumadokera pevakaunganidzwa.

26 Rikabvunza kuti,"Nhai chikonzero chinyi?" Zvikanzi,Zvikanzi, "Vaiuya Jerusarema vasina kureurura zvivi zvavo.vasina kureurura zvivi zvavo."

27 Saka panzvimbo ino haipaitsikwe nemunhu asina kureurura; Baba havadi.

28 Vadzoka muGuta remaHonde, vanhu vazhinji vakauya kuzoona Basa reGwayana.

29 Baba vasati vasvika, moto wemasoja waioneka mukati memakomo eikoko, zvikashamisa kwazvo.

30 Kuratidza kuti masoja akanga atoveko kare kuratidza basa ravo.

31 Zvino vanhu veiko vaifunga kuti rakauya kuzotora vanhu vavo vemumasvondo, vasingatozivi kuti vatoita rombo rakanaka nekuti vasangana neChiedza.

32 Asi Baba vakapangidza mabasa erudo kumunhu wese akanga akaremerwa.

33 Vakanga vaine madhimoni ehuroyi, dzingozi, hupombwe, nezvizhinji zvakabviswa pamberi pavo.

34 Varoyi vevarume nevakadzi zvaikururwa pamberi pemeso avo, vachiona vanhu vachiponeswa pachena pasina mutengo.

35 Mabasa makuru akaitwa nguva idzodzo pameso avo needu.

36 Pipi : Pakauya mumwe musikana achiti,"Murikutevera zvenhando"; kuzoti ava kumba kwake, kamwana kadiki kakati,"Ukaendako unopenga."

37 Aendako akabva apenga, akatouya orapiwa upenzi hwake naMatenga.

38 Pakaitika mapipi mazhinji chaizvo avo ndisina kunyora ose.

39 Pakati nerimwe zuva nemusi weChishanu, pakaitika chishamiso chikuru kwazvo.

40 Baba vakauya vaine masimba anotyisa chaizvo, rechiita serakuda kubhururuka.

41 Pakauya nyeredzi yakanga iine chadzera chaityisa kwazvo.

42 Pipi rimwe ndeiri: Nerimwe zuva pakatinhira pagomo iroro zvinotyisa kwazvo; rinodaro shoko, Baba vakanga vadzika Pamahwesimike.

43 Rinodaro shoko: ukaenda Pamahwesimike, Jobo vakagarira ipapo negore, vanetswa nevatumwa vane shungu chaizvo.

44 Rinodarozve shoko:"Ndiyo nyika yandakasikira zvinhu zvose zvose."

45 "Ndiyo nyika ine zvinhu zvose kukunda dzimwe nyika nehova dzeRuponeso, mune vakomana vane mapumhu."

46 Ndipo pakabva pasanganiswa maguta ese, zvikanzi Jerusarema ndiro Guta guru remuDenga kukunda mamwe maguta.

47 Panzvimbo ipapo pakashandwa basa guru iro ndisina kunyora rose.

48 Nerimwe zuva Matenga vakaenda pajinga regomo, rikachema riripo.

49 Shoko rikauya rikati,"Pari kuuya mweni nenguwo dzeRuponeso kubva kudenga; zita rake ndiJairosi."

50 Mwanakomana waMatenga, uyo akazopfuura munyika kare, akaburuka paHonde ipapo; pipi guru.

51 Pipi guru: Kufamba kwaVaJehova vakabata tsvimbo yavo; vanoti,"Baba ndinobva pano musi waunobva pano."

52 Pipi guru: Musi wenyeredzi yacho, Jerusarema rakatinhira rikati gidigidi.

53 Matenga nevanhu vavo vakaita sevakuda kubhururuka.

54 Vanhu vakabatwa pamusoro vakakwana zana nevasere.

55 Ndivowo zvirokwazvo vakatenda kuti uyu ndiVaJehova nemabasa bedzi.

56 Vakabatwa nemweya yakaipa, madhimoni, vakakwana makumi mashanu nevapfumbamwe.

57 Vana vakaratidzwa gumi nemumwe.

58 Vakapfeka mabhandi makumi maviri nemaviri.

59 Vakapfeka Mweya Mutsvene makumi matatu nevatatu.

60 Vaiuya kuzoona zvavo vakakwana zviuru zvine mazana mapfumbamwe nemakumi maviri ane vatatu.

61 Mukati mevanhu ava maiti vafundisi, vakati madzimambo, vakabatwawo pamusoro.

62 Matenga ngavaropafadze aya mashoko nekusingaperi. Amen.