Kusarudzwa Kwevavhangeri muGuta raVaJehova
1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, Baba vadzika munyika, vakauya nechiedza chinoshamisa; nyika ikazunguzika.
2 Baba vadzika, vakatanga kuita basa, rikatanga kukura padiki nepadiki.
3 Zvino rakati rataurirana naBaba varo vari kudenga, rakatanga kugadza vavhangeri muGuta.
4 Vamwe vavo vakagadzwa kuGuta ravo, vamwe muGuta idzva.
5 Muvhangeri Nyamandura anotaura huchapupu hwake pakutangisa kweBasa raMatenga; akanzi ndiJohane.
6 Muvhangeri mukuru Nyamandura vakati, angweyiwa neruoko runoyera, akauyawo paSeke.
7 Vakareurura mumba vachizoteurirwa imomo naMatenga vachiri kutangisa basa.
8 Panguva idzodzo Matenga vakanga vachizoreurura voga mbune.
9 Agara mazuva akati kuti, akati kuGwayana,"Ndingabvumirwewo here kuti ndimbodzoka kumusha kwangu?"
10 Shoko rikati,"Vabatwa naVaJehova, hauchaenda zvakare."
11 Ndopaakabva apiwa uvhangeri.
12 Mumashure, basa rikakura; pakaitwa misasa, vanhu vachiuya achivaraira kureurura, kwaizoitwa kana Matenga vavamo.
13 Kwaiti uvhangeri vakati kuparidzazve, kusvikira pakazotsvakwa mabarani wekunyora vanhu vese vaiuya, pachibva patanga kuvakwa dzimba.
14 Kukazoitwawo vamwe vavhangeri navachikwengera.
15 Anodaro muvhangeri uyu,"Ndazvionera vanhu vaShe nemeso angu ano."
16 "Mbeveve dzichitaura; mapenzi aiuya achipenga zvakanyanya achienda ava munhu kwaye."
17 "Vaiva netsviyo dzaipera; dzaiva mbavha dzikarapiwa umbavha hwadzo, zvino havachabi."
18 "Mhombwe, zvirema, mapofu, mhanje, nezvizhinji zvakaitwa neGwayana pamberi pangu ndichiona; kusiri kuziva kwangu asi ivo Matenga rinoziva.rinoziva."
19 Saka tsamba yaPita rinodaro pakutsiurwa naJesu, anonzi,"Pita, unondida here kukunda zvose?"
20 Anodaro Muvhangeri Nyamandura, wakanzi ndiJohane.
21 "Saka nanhasi ndiri mukati meGuta; Matenga vakandiita hoko muno.vakandiita hoko muno."
22 "Nanhasi ndakasiya nemhuri yangu, nekuti ndakasangana naVaJehova ndichiri mupenyu, uyezve sandi kuziva kwangu. Tarisa Zvakazarurwa 21:1–4."
23 "Uyezve ini Matenga ndinovatenda nekuti upenyu hwandiinaho ndiro rakandipa.ndinovatenda nekuti upenyu hwandiinaho ndiro rakandipa."
24 Kouya Muvhangeri Mhundwa wakagadzwa naMatenga akanzi ndiJobo.
25 Anodaro mukupupura kwake,"Mabasa makuru akaitwa pamberi pechiso changu."
26 "Ayo andisingapedzi kutsanangura; bedzi ngatikudzei VaJehova."
27 "Ndine rombo rakanaka nekuti ini ndakadanidzwawo muboka iri, reupenyu husingaperi."
28 "Nhamo nemadzudzo zvandakanga ndiinazvo munyika ndikayamurwa naVaJehova."
29 Kukazogadzwa Muvhangeri Chareka akanzi ndiKiropasi.
30 Anodarowo kutaura,"Ndakauya ndakaremerwa ndikayamurwa naMatenga."
31 "Ndikaona mabasa makuru akaitwa pamberi pechiso changu, zvishamiso nezvishamiso."
32 "Chikomborero Africa, takadiwa vanhu vaShe; bedzi kudzikisa pfungwa pakadzama."
33 Kouya Muvhangeri Tekekeshe akanzi ndiStefani.
34 Ndiyeye achidaro mukupupura,"Ndakauya ndiine mwana akanga asina magodo mumuviri wake."
35 "Asi Baba vakaisa voga magodo akatangisa kufamba achibva aroora."
36 "Kunze kweizvozvo Gwayana rakandiyamura zvizhinji, uye rikandipazve pfuma zhinji.rakandiyamura zvizhinji, uye rikandipazve pfuma zhinji."
37 Kukazogadzwa Muvhangeri Nyakunu.
38 Anodaro mukupupura kwake,"VaJehova makanga muripiko, nyika yakanga yatiuraya."
39 "Mabasa makuru amakauya nawo, mhuri yangu mukaiponesa."
40 "Ndichitendesa VaJehova vakandida, ndichitendesazve mabasa andakaona nemeso angu ano."
41 "Ndichitendesazve VaGombakomba naMambo Zimunya neMudziti neHurumende vakatipa chidimbu chenyika ichi kuti Gwayana rione kutiponesa.rione kutiponesa."
42 "Umambo hweBritish ndinohutenda nekuti hwakabvumirana neizvi.hweBritish ndinohutenda nekuti hwakabvumirana neizvi."
43 "Dai hwakanga husiripo zvichida zvingadai zviri kudzimwe nyika."
44 "Zvino ini ndinovatenda VaJehova vakarangana vakaita izvi."
45 "Dai Matenga varega kuzoti kanganwawo mumagumo eizvi nekusingaperi. Amen.varega kuzoti kanganwawo mumagumo eizvi nekusingaperi. Amen."