Guta Ra Jehova
Lesson 40

Kupihwa kwaMatenga Imba

1 PaSvondo iroro raiva zuva guru kwazvo.

2 Pakati zuva rodoka pasvondo yenguva idzodzo, muchato wapera.

3 Varume nevakadzi vakapfeka nguwo dzavo dzeyunifomu.

4 Kwakauya murungu L.D.O. adaidzwa pamwe naMambo. L.D.O. anoti,"Ndafara kwazvo ndichiona muchigara zvakanaka nerunyararo paGuta rakakura rakadai, muchigara nerunyararo rwakadai."

5 Mambo Zimunya vanoti, nejinda rake Gombakomba,"Tinotenda nebasa ririkuitwa pano."

6 "Nesu zvatishamisa kuona Guta rakakura zvakadai nekugara zvakadai pane ndudzi nendudzi.rakakura zvakadai nekugara zvakadai pane ndudzi nendudzi."

7 Varume veGuta, vekomiti, vakasimuka vakataura nekuvakwa kwemba yaMatenga.

8 Vakataura vakaturira kuna Mambo kuti,"Apa Baba imba yavo."

9 Mutungamiriri weGuta raJehova, VaNyakunu, vakatendesa nekuvakwa kwemba yaMatenga.

10 Vakaudzawo kuna L.D.O. nevese vakanga varipo vese.

11 Mufundisi weGunde akataura nebasa reMweya Mutsvene akauya nemuporofiti.

12 Anoti,"Kana tapinda mumba imomo, titi: 'Mwari tipinzeiwo muDenga renyu'."

13 Mambo Zimunya vakasimuka vakati,"Ndagutswa zvikuru nezvandaoona."

14 Akati,"Mashoko angu anozobvawo muna Muprofita Hagai 2: 1-9 peji 844."

15 "Ndimo mune mashoko andinopupura nawo kana kutsigira nawo."

16 Ndichitambidza Matenga imba yake, kwakapiwa kiyi Mambo , asi Mambo vakapa kuna L.D.O. vakaenda vese kwaiva naMatenga mumba yavo yemahadhipepa.

17 Vanhu vese vaiimba Rwiyo 100,Vanhu vese vaiimba Rwiyo 100, "Ishe TaunganaTaungana".

18 Vasvika paimba ipapo, Matenga vakaudzwa kuti vauya kuzozarura imba yenyu.

19 Matenga vabuda, vakaenda vese kuimba idzva.

20 Vasvika VaL.D.O. paimba idzva iyoyo, vakazarura gonhi remba yaMatenga.

21 Vapinda, kwakadyiwa mana.

22 Kuzoti vapedza kudya mana.

23 Kwakapangidzwa basa raMatenga kuna VaL.D.O. naMambo Zimunya; Guta rakafara kwazvo rose.

24 Vamwe vakabvisa zvipo zvekuzarura imba yaMatenga, pamwe naMambo vakabvisawo chake.

25 Kwaiimbiwa; vamwe mugomo, vamwe muGuta, vamwe pamba paMatenga, vamwe vachimacha semasoja arikuenda kuhondo.

26 Zvikatyisa nemwoyo wangu, zvikashamisa kwazvo.

27 Mutonderei kuti kanamapinda mumba umu, muti,Mutonderei kuti kanamapinda mumba umu, muti, "Mwari tipinzeiwo muDenga renyu.tipinzeiwo muDenga renyu."