Kusungwa Kwemadhimoni muGuta Ravo
1 Iri basa remadhimoni ndiro rakauyira Matenga kuti tese tione kupona tichiri munyika; zve ndipo pane basa guru guru. Matenga vanoti vagere zvavo, vanotarira mukati mevanhu vavo, vachiona kuti mweya yese yakaipa yemadhimoni yawanda, vaitaura vanhu kuti vaende mumba yekusungirwa mweya yakaipa; madhimoni aibviswa mumba imomo aiti: Ngozi , uroyi, kuba, madhimoni ekupomba, ekumwa, ekuputa.
3 Neamwewo ehama dzedu dzakafa kare, idzo dzinogara panesu tisingadzizivi ba kuti tiri kufamba nemumvuri wevakafa; nemimwe mweya yakasiyana-siyana yakaipa yaibviswa, ndichiona nemeso wangu.
4 Kwaiti vakanga vosunga madhimoni, ava ndivo vanoshanda naMatenga pakubvisa madhimoni.
5 Vanoti vaimbi, kuzouya ava vakomana vaviri vakapiwa masimba aMatenga kubata mweya yakaipa, madhimoni, nekuti anenge achirwisawo.
6 Achitaurawo mhosva dzavo, dzazvinenge dzabvunzwa naBeta naJames, vakomana vane masimba anotyisa kwazvo, avakapiwa naMatenga.
7 Madhimoni aya anoti abuda anotaura, amwe anoramba kutaura zvavo.
8 Kana rabuda pamunhu, toti wabudirwa nedhimoni rengozi, rinotaura zvarinoda kuripirwa pamunhu iyo.
9 Rataura charinoda, ropihwa zvarinenge rataura zvese.
10 Kuzoti raenda, munhu iyeye anenge aine dhimoni racho anotaurirwa kuti aende kumusha kwake anoita izvozvi zvinenge zvataurwa nedhimoni rake.
11 Aita izvozvo anowana nekupona, zve anova nekunamata akasununguka, nekuti haasisina chinomunetsa; mweya wakaipa wabviswa, wedhimoni, apona.
12 Vanhu vese vakaona izvi paGuta raJehova, mwoyo yavo yese vanofarira kubviswa mweya yakaipa yemadhimoni.
13 Kunoti kwauya vaeni kana vatsva vachiri kutanga kupinda muGuta, mishonga yavo inopiswa, yakadai nge: makona, hambi, zvimbwanana, huroyi, nemimwe miti yakasiyana-siyana, yaipiswa naBeta naJames vaine masimba anotyisa, vachitinhira; nezvese zvinenge zviripo zvinodedera chaizvo, vanhu vaMwari, ndakazvionera pachangu.
14 Miti yese yakaipa inopiswa paGuta raJehova.
15 Ivo vakomana ava ndivo vaiendesa vanhu ivo vanenge vabviswa mweya yakaipa.
16 Rava remangwana vaienda navo kuJorodhani kana vataurwa naMatenga.
17 Kuone anenge azvipira mwoyo wake kuna Mwari ngeidi, ndivovo vanonotambira Mweya Unoyera, Masimba .
18 Vanoenda kuJorodhani kuti vageze zvivi zvavo zvose.
19 Mumvura imomo vanobva vava nemasimba, sezvakaitwa Jesu nemusi waakaombekwa naJohane paJorodhani.
20 Mweya wakabata Jesu zvakadaro mumvura imomo.
21 Tarisa muTsamba raJohane 1: 29-34.
22 Saka tinotora chokwadi kuti uyu ndiBaba.
23 Kana vadzoka kurukova ikoko, vanenge vagashidzwa Mweya vaya vanonoona Matenga , vobva vatanga kubatwa nemasimba.
24 Kana ndichiti masimba , ndinotaura Mweya Mutsvene unotinhira.
25 Vanhu ivavo kuzoti ava mangwana vanoratidzwa kuva chejeri.
26 Mangwanani iwayo Matenga vanovaisa muraini vakatarisa kumabvazuva.
27 Matenga vanoshevedzera kuna vaJehova vachiti,"Ndivo vanhu vamakageza tsvina yezvivi zvavo; ndinovaratidza kwamuri Baba, kuzadzisa basa randakadzikirira."Ndivo vanoenda kugomo kungundu ivavo.
28 Basa rimwe revakomana ava muGuta: ndidzo n'anga dzeGuta dzakapiwa masimba naMatenga.
29 Kana muchirwariwa mudzimba, ndivo vanoenda kunonamatira murwere iyeye.
30 Kana vasina kubatwa nemasimba denda iroro harisiye munhu, asi kana vakabatwa nemasimba anopona zvake munhu iyeye.
31 Ndiwo mabasa evakomana ava muGuta.
32 Zvino pakutsanangura uku, basa rakaitwa naMatenga iguru guru kwazvo.
33 Zvizhinji-zhinji zvaakaita paGuta ravo repaSeke, paKandava.
34 Pakati nerimwe zuva vari mudivi , mvura yakanga ichida kunaya nesimba kwazvo.
35 Asi Matenga vakasimudza ruoko chete. Ikabva yapararira, ikasazonaya.
36 Zvikashamisa aninaani akanga aripo.
37 Kune vazhinji-zhinji vakaponeswa, kubvira paGuta ravo kusvikira paGuta idzva. Tarisa Marko 1: 25-28.