Kupfekedzwa Kwema G.R.J. NeYunifomu YaJeneti NaMiriemu muGuta
1 Yunifomu iyi inokosha kwazvo; haifanane nedzimwe dziye dzataipfekedzwa kwete.
2 Kunoti kana uchida kupfeka iyi yunifomu, unofanira kuva wakachata.
3 Kutanga usati wapfeka iyi yunifomu nemikwakwa yeG.R.J. nemabhachi acho, unofanira kusungwa madhimoni, mweya yakaipa.
4 Uyezve unofanira kudzidzira chidzidzo chacho.
5 Wapedza, woenda kumba yekusungirwa madhimoni, ndikokuti uzoipfekedzwa.
6 Izvi zvinoratidza kuti inhumbi inokosha kwazvo, vanhu vaMwari.
7 Inhumbi yeupenyu husingaperi iyo inopfekwa nevari mukati meDenga mumaguta akasiyana-siyana.
8 Rakati rasvika zuva rokupfekedzwa kwevanhu muGuta.
9 Ndivo vaya vakabviswa madhimoni engozi, eruchiva, ekuba, eun'anga, euroyi, neehupombwe, nemamwe mazhinji akasiyana-siyana.
10 Zuva iroro vanhu vakapfekedzwa Mudivi ; Matenga vakati tendera pachigaro.
11 Rakanga riri zuva rekuwerera Ropa pamuchinjikwa, zuva reChishanu masikati.
12 Kuzoti vanhu vapfeka, Divi rakava nekutyisa kwazvo, rikatsvuka ropa rose rakanga richiyerera.
13 Zvino shoko raMatenga rikati,"Ndinondopfekedza kana papi, asi muchenjere nayo."
14 "Uye inemubvunzo pamberi kana waregedza kuteerera mirairo yacho inodiwa."
15 "Pitorosi naMariya, muchenjere zvamapfeka nguwo iyoyi; izvi sandizvo dambenazvo vanangu."
16 Vakadzi vakapfeka zuva iroro vakakwana mazana maviri nemakumi mana nevanomwe.
17 Varume vakakwana zana nemakumi mana nevatanhatu vakanga vapfekedzwa mikwakwa yeRopa raKristu.
18 Mapofu nezvirema zvakapfekedzwawo; Musiki haatsauri, vanhu vaMwari.
19 Pipi guruguru; zvisingamboitika kuti vanhu vemuDenga vanotamba Easter nevepasi.
20 Kuone akapfeka zvake achichengeta mirairo yaMatenga, ndiye achazova neupenyu husingagumi. Amen.