Mvura YaNoa Inoda Kuparadza Pasi. Pipi Guru
1 Matenga vakati nyika iri kuda kuparadzwa nemvura.
2 Asi iri kuuya zvakanyanya kwazvo, handizivi kuti inosiya matewo here.
3 Asi Noa, uri kuti mutumwa , hauzivi here kuti ngarava yangu yakadzika munyika, zvino ndiri kutevera ngarava yangu.
4 Saka ndiri kuda kuratidza nyika kuti ndakadzika munyika.
5 Ndiri kuda kuunza mvura zhinji-zhinji inonyudza vanhu ichiparadza.
6 Rakapera svondo yese Noa achinetsa Matenga .
7 Zvino Matenga vaishingaira nemvura iyoyo kuti irege kuuya. Tarisa Genesi 7 na 8.
8 Zvino vakati ari mangwanani eSvondo, Matenga vakaronga zve nekuda kuuya kwemvura iyoyo.
9 Zvakanga zvichida kuitika mazuva achiri pamberi kana kuti mavhiki.
10 Pakati rava svondo yemasikati vana vapera kuratidzwa.
11 Ndakaona denga rizere nemvura yakanga ichityisa kwazvo.
12 Zvino vanhu vakatanga kutarisa denga, vakaona rizere nemvura chete, vakatanga kubvunda.
13 Pipi guru; ipapo vanhu vakatanga kuyeuka zvirongwa zvakanga zvarongwa naMatenga.
14 Zvino mvura iyoyo yakauya nesimba guru kwazvo.
15 Matenga vakabatwa nemasimba anotyisa kwazvo, varimo Mudivi vachiedza kudzivisa mvura iyoyo.
16 Asi pakarepo VaJehova vakati,"Rega kudzivisa mvura; vana vako vanopokana zvirongwa zvinenge zvarongwa neMweya."
17 Mvura yakauya nemhepo yaityisa kwazvo, kuzadzisa zvakanga zvarongwa neMweya mangwanani acho.
18 Kuzoti yapedza kunaya, Matenga vakauya vakati,"Maona ka vanangu, kuzadzisa zvirongwa zvemangwanani."
19 "Tanga taparadzwa ka nekanguva kashomanana kakadai."
20 Saka munhu nemunhu ngaagare akagadzirira; musi neguva hazvisi zvako, zvine muridzi wazvo.
21 Upenyu handi hwenyu, nguva hadzisi dzenyu, zvine muridzi wazvo.
22 Saka vatumwa veDenga vakadzika munyika, vakasvikogara pane vanhu kuti vashande basa varipo.
23 Saka uyu wakakomborerwa zvake wakagarwa nemutumwa Noa, achishanda basa guru kwazvo; uye ndiye mudzikinuri wezvose zvanetsa.
24 Vanhu vaMwari, takanga tabviswa vanhu vekare tichipiwa vatsva vemuDenga.
25 Saka izvi zvingashamisa kuti mutumwa wemuDenga ungagara seiko pamunhu ari pasi pano.
26 Hamushamiswi here nemunhu anoimba zuva nezuva haaneti; kuimba rwiyo rwacho harunetesi.
27 Rwiyo rwaNoa rwakazunguza nyika yeBulawayo, rukazunguza Harare, Chinhoyi, Guruve, nenyika yose.
28 Umambo hweMudenga hunogarwa nevaya vakanga vasina kufanira munyika.
29 Saka Noa une basa guruguru mukati meGuta, kushandira VaJehova zvazviri; chikomborero vanhu vaShe. Amen.