Guta Ra Jehova
Lesson 11

Kuvakwa kweGuta

1 Guta rakavakwa rikakura, dzimba dzikawanda kusvika 500.

2 Asi dzakazopfuura nhamba iyoyo, nekuti vanhu vakanga vawandisa chaizvo.

3 Hapana vakazodziziva huwandu hwadzo, nekuti basa rakanga raramba richikura.

4 Ndipo pakaziviswa neMweya kuti iri iGuta raJehova.

5 Mweya ukatizve pakafanira kunzi vadzimai vese vane nhumbu vapfekedzwe Mateneti; zvese izvi zvakabva zvarongwa neMweya zvichitaurwa naMatenga.

6 Vakadzi vese vakawana kupfekedzwa Mateneti pasvondo nepasvondo riri rose.

7 Asi pakagadzirwa nzvimbo yekuti vaeni vazosvikira ipapo vese vasati vabatwa pamusoro.

8 Iyi nzvimbo yainzi Matara kana kuti Duriro.

9 Shure kweizvozvi ndokuuya musika wekutengesera miriwo kuvanhu vaiuya kuzorapiwa ipapo.

10 Vaitengeserwa nevamwe vanhu vaibva kumaruzevha.

11 Pakazovakwa imba yekusungirwa vanhu madhimoni, mweya yakaipa.

12 Mweya yakaipa yaibviswa kuvanhu yaiti: Ngozi , mashavi, mhondoro, madonha, huroyi, mangoromera, nemimwe mweya yakasiyana-siyana, nemimwe mishonga yakasiyana-siyana.

13 Makona nenyanga zvaipiswa nemoto naBeta, akanga akasarudzwa naMatenga.

14 Munhu mumwe nemumwe aireurura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.