Kuvakwa kweGuta
1 Guta rakavakwa rikakura, dzimba dzikawanda kusvika 500.
2 Asi dzakazopfuura nhamba iyoyo, nekuti vanhu vakanga vawandisa chaizvo.
3 Hapana vakazodziziva huwandu hwadzo, nekuti basa rakanga raramba richikura.
4 Ndipo pakaziviswa neMweya kuti iri iGuta raJehova.
5 Mweya ukatizve pakafanira kunzi vadzimai vese vane nhumbu vapfekedzwe Mateneti; zvese izvi zvakabva zvarongwa neMweya zvichitaurwa naMatenga.
6 Vakadzi vese vakawana kupfekedzwa Mateneti pasvondo nepasvondo riri rose.
7 Asi pakagadzirwa nzvimbo yekuti vaeni vazosvikira ipapo vese vasati vabatwa pamusoro.
8 Iyi nzvimbo yainzi Matara kana kuti Duriro.
9 Shure kweizvozvi ndokuuya musika wekutengesera miriwo kuvanhu vaiuya kuzorapiwa ipapo.
10 Vaitengeserwa nevamwe vanhu vaibva kumaruzevha.
11 Pakazovakwa imba yekusungirwa vanhu madhimoni, mweya yakaipa.
12 Mweya yakaipa yaibviswa kuvanhu yaiti: Ngozi , mashavi, mhondoro, madonha, huroyi, mangoromera, nemimwe mweya yakasiyana-siyana, nemimwe mishonga yakasiyana-siyana.
13 Makona nenyanga zvaipiswa nemoto naBeta, akanga akasarudzwa naMatenga.
14 Munhu mumwe nemumwe aireurura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.