Matenga Vanotanga Kusvika PaUmtali
1 Matenga vakafamba nevanhu vavo, vachibva kwaChitsunge vachiuya kwaMutare.
2 Vanhu vazhinji-zhinji vakanga vakavagarira seshoko rakanga rasvika.
3 Varungu nevanhu vatema vakanga vakagarira kwazvo.
4 Vakati vasvika pahotera yaMurapa, vamwe vakapfuura vakaenda panzvimbo yakanga yagadzirwa pa 11 miles Chipinge Road.
5 Asi Matenga vakanga vasara shure. Vakazosara votevera panzvimbo iyoyo yakanga yagadzirwa; ipapo panzvimbo iyo pakabva panzi paGuta reRutiziro.
6 Pakaunga vanhu vazhinji-zhinji. Pakavakiwa kaumba kaMatenga kemarata; vakauya Mambo Zimunya muridzi wenyika iyo.
7 Vakanga vauya kuzoona Matenga , sekuziviswa kwavo.
8 Vakauya nemombe mbiri nemasaga mashanu eupfu.
9 Kuzopa Matenga nevanhu vavo vavaifamba navo.
10 Mangwana acho (Native Commissioner), Ngosi yeMutare Huru, yakauya kuzoona Basa raMatenga, sekutaurirwa kwayo kwayakanga yaitwa.
11 Asi kwakanga kuchiri mangwanani.
12 Yakati,"Ndakazonzwa nemukurumbira muchiri kwaSeke, ndikambozviverenga nemumanyuzipepa."
13 "Zvino nhasi ndichazvionera nemeso wangu."Ngosi yakati,"Ndinoda kuti undiratidze basa rako rose."
14 Matenga vanzwa izvi, havana kuramba; vakatenda chaizvo.
15 Pakanga paungana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kuzoonawo.
16 Vamwe vachibva vapindukira ipapo.
17 Zvino Matenga vakatanga kupangidza vana.
18 Pakatanga kuratidzwa dangwe ravakatanga kuuchikira, mwana waMai Chengetai, anonzi Dhanyeri zita rake.
19 Uyu mukadzi akagara gumi remakore nematanhatu asina mwana kana kumbonzwa zvake nenyoka kurwadza kwete.
20 Akatozova nenhumbu nepamusana paMatenga. Ngosi yakaratidzwazve raini revana, nevadzimai vakagara makore mazhinji-zhinji vasina vana, asi vanawo.
21 Yakaratidzwazve zvirema zvava kufamba, mapofu ava kuona, mhanje dzemakore dzaane nhumbu, nezvirwere zvakasiyana-siyana.
22 Yakapangidzwazve nekurapa kwavanoita, pachirwere chimwe nechimwe; zvikava nekutyisa chaizvo, yakashamiswa nekurapwa kwacho.
23 Nekuti anorapa neruoko chete, kubatwa ndirwo unopona, pasina mushonga zvayo, asi ruoko chete.
24 Ngosi yakatendesa chaizvo, ikati,yakatendesa chaizvo, ikati, "Matenga ita basa rako rose rakanakisa kwazvo.ita basa rako rose rakanakisa kwazvo."
25 "Rinozivikanwa nenyika yose, gara zvako paunodira napo, uchiita zvako basa rako pano, rakanaka kwazvo."
26 Ngosi yakatendesa zvayo basa ravo pano, rakanaka kwazvo, ichibva yaenda zvayo.
27 Kwakati rava zuva reMugovera, vanhu vakanga vaungana chaizvo.
28 Matenga vakaratidza basa ravakauyira pakati pechita chevanhu vakanga varipo.
29 Irindiro basa rimwe guru ravakatumirwa rekubvisa mweya yakaipa yemadhimoni.
30 Vakatora mumwe mukadzi aiva nedhimoni rababa wake.
31 Matenga vasunga iyeye, dhimoni rikabuda, rikataura richiti,"Ini ndakauraya mudzimai wangu."
32 "Ndikabvisa musoro wake, ndikauisa pasi pesiti yemotokari yangu."
33 "Nekuti ndainga ndichida kupfuma, saka ndakaita zvose izvi,"rikati ndipo pandaiwona mari napo.
34 Iri dhimoni rakati,"Iro rakadzingwa kudenga, harina nzvimbo."
35 "Nekuti kudenga hakuna dzimba dzevanouraya, ndiri kutsva, handina nzvimbo"; asi rava dhimoni rikati ndinoda mashereni mashanu, rikapihwa, ndobva raenda.
36 Izvi zvakashamisa vanhu vazhinji-zhinji vakanga varipo.
37 Vamwe ipapo vavo vakabva vauya kuzoreururawo zvivi zvavo.
38 Vamwe ipapo vaitobudirwa nemadhimoni pasina vaiwana mukana.
39 Vamwe vakauyawo nemakona, nenyanga, nezvimbwanana, nemiti yose yavaizogara vachida kutevedza zvenyika.
40 Zvose zvikapiswa nevakomana vairi ava, Beta naJemusi.
41 Vakapihwa masimba naMatenga kuita basa iroro.
42 Pakapinduka vanhu vazhinji-zhinji, mazana nemazana akabatwa pamusoro naMatenga.
43 Nevarungu vakauyawo kuzoreururawo zvitadzo zvavo zvavakatadzira Mwari .
44 Vazhinji avo vakabatwa pamusoro naMatenga.
45 Nekuti vakanga vaona chokwadi chaMatenga.