Mambo Zimunya Anokumbira
1 Mambo Zimunya vaona chokwadi chaMatenga, nehuwandu hwevanhu kuwanda kwavo,
2 Vakaenda kuNgosi kunokumbira mazuva kuti Matenga vamboramba vachiita basa ravo, nekuti vanhu vakanga vari kuramba vachiuya kuruponeso chete.
3 Vamwe vevakuru vakauya naye, vakagumbuka vanzwa kutaura kwaMambo.
4 Nekuti vakanga vachifunga vachiti ndezvenyama; nyama ndezvemweya.
5 Vakati,"Isu tava kuenda,"nekuti vakanga vagumbuka nazvo.
6 Vakanga vachida kupona vega, vasingafungi kuti, havana kuuyira munhu mumwe asi vakauyira vese vese, kuti vapone pamweya nepanyama. Tarisa Tsamba yaJohane 6: 61-67.
7 Ndipo panoti, Matenga ndaona moto muGuta, vachibva kuMabvuku vachisvika kuNeshenari, semazita eGuta racho.
8 Vachibva kumabvazuva vachienda kumadokero.
9 Zvakabva zvanoitikawo saizvozvo paGuta ravo.
10 Matenga vanotaura vakamira pakati pechita chavo.
11 Mweya wakaipa wawanda kwazvo wekumanikidza Matenga kuti,"Hendei."
12 Matenga vanoti,"Nguva yangu yekuti ndiende yanga isati yasvika yekuti ndiende."
13 Bva, ndoenda zvangu, nekuti mweya hauchakodzerani naMatenga.
14 Matenga havana kuzofadzwa nazvo kwete.
15 Kuzoti vakuenda, vakamira pamberi, pakati pevanhu vavo vachiti kuna Mambo Zimunya,"Usachema zvako."
16 "Shure kwemazuva mashomanana ndichakufunga,"ndokubva vaenda.
17 Vasvika pahotera yaMurapa, ndokusangana nebofu raiva nenhumbu, ndokubva rasununguka pakarepo mwana wemusikana; vakafara kwazvo.
18 Kuzoti vaenda, ndokusvika paRusape pakanga pakaungana vanhu vazhinji-zhinji vaigarira Matenga nevanhu vavo.
19 Vakasiya vaisa munamato ipapo.
20 Vakapfuura vachienda kuGuta ravo rekwaSeke.
21 Uko vakanga vasiya Guta roga, vaonazve chita chikuru chakavarindira; chakanga chava nenyota yaMatenga mukufamba kwavo.
22 Vakanga vakandogaririra kusvikira vakasvika.