Guta Ra Jehova
Lesson 57

Tsananguro Yerwizi Dhevure pipi Guru

1 Mazuva iwayo ekuburitswa kwavo naMatenga.

2 Kwakati Matenga vamire pakati pechita chavo, vazere nemasimba eDenga.

3 Matenga vakati,"Nhasi pane zviziviso zvikuru kwazvo."

4 Pakaimbwa kutanga Rwiyo 120"Wauya Mucheki Mukuru"; pakaimbwa kwazvo. Matenga vakati,"Zarurai zve 121 Munanzi Urikudenga"; Matenga vakaparidza kwazvo.

5 Vanhu vakaimba vachiti,"Vakauya Mucheki vakaburitsa nevaiva mugungwa."

6 Vapedza, pakasimuka vamwe vatatu vavakaenda navo, vakapupurawo nezverwendo irworwo.

7 Vapedza, Baba vakatora chari yavo inonzi Shumba, vakapangidza kucheka kwayo yaita.

8 Vakaburitsazve yeMuchinjiko, yakakonetsa VanaMachingura kuti varege kuzouyazve.

9 Baba vanoti,"Ndaona mvura yava shoma, nemasairira acho ava mashomanana."

10 "Asi VanaMachingura vaeredzwa vese, sezvo vaizoitira vamwe murukova irworwo."

11 Pane zvizhinji zvakaitwa izvo handisi kuzvinyora zvose; pakaitwa mashura nezviratidzo parwendo urwu. Tisaite zvekutamba neizvi kwete, vanhu vaMwari, ngatibatisisei icho takaona pachena tose.