Tsananguro Yerwizi Dhevure pipi Guru
1 Mazuva iwayo ekuburitswa kwavo naMatenga.
2 Kwakati Matenga vamire pakati pechita chavo, vazere nemasimba eDenga.
3 Matenga vakati,"Nhasi pane zviziviso zvikuru kwazvo."
4 Pakaimbwa kutanga Rwiyo 120"Wauya Mucheki Mukuru"; pakaimbwa kwazvo. Matenga vakati,"Zarurai zve 121 Munanzi Urikudenga"; Matenga vakaparidza kwazvo.
5 Vanhu vakaimba vachiti,"Vakauya Mucheki vakaburitsa nevaiva mugungwa."
6 Vapedza, pakasimuka vamwe vatatu vavakaenda navo, vakapupurawo nezverwendo irworwo.
7 Vapedza, Baba vakatora chari yavo inonzi Shumba, vakapangidza kucheka kwayo yaita.
8 Vakaburitsazve yeMuchinjiko, yakakonetsa VanaMachingura kuti varege kuzouyazve.
9 Baba vanoti,"Ndaona mvura yava shoma, nemasairira acho ava mashomanana."
10 "Asi VanaMachingura vaeredzwa vese, sezvo vaizoitira vamwe murukova irworwo."
11 Pane zvizhinji zvakaitwa izvo handisi kuzvinyora zvose; pakaitwa mashura nezviratidzo parwendo urwu. Tisaite zvekutamba neizvi kwete, vanhu vaMwari, ngatibatisisei icho takaona pachena tose.