Mhanje Dzemakore
1 Izvi, ndiri kupupura chokwadi chandakaona paGuta raMatenga.
2 Ndakaona mhanje zhinji-zhinji dzichiuya kuMutumwa kunopiwa vana vasina mutengo.
3 Idzi mhanje, dzimwe dzadzo dzaigara makore maviri, dzimwe makore matatu kana marongomuna dziine nhumbu idzodzi dzemweya.
4 Mhanje idzi dzairapwa neruoko chete, kunoti tsvairwe benzi neruoko runoyera.
5 Vaibereka vana vavo, vaiva nengundu dzinotyisa kwazvo.
7 Ndakagara munyika kwemakore mazhinji, asi handina kumboona munhu anopa munhu mwana neruoko kwete.
8 Hazvisati zvamboitika kuti munhu anogara munyika kwemakore akadaro aine mwana mudumbu kwete.
9 Hazvina kumboitika kana, hamutende here vanhu vaMwari?
10 Ini ndakaona zviro zvizhinji kwazvo; ndakaona mashura nezviratidzo: mhanje dzaipiwa vana, zvirema zvakafamba, mapofu akaona, mapenzi akatwasanurwa, nevaiva nemapere vakachenurwa.
11 Zvino hama neshamwari, inguva yenyu yekuti muise mwoyo yenyu pakadzama.
12 Nekuti ini handina kutaurirwa kwete kuti kwaiva naMatenga. Ini ndakanyora aya mashoko, ndakazvionera nemeso angu.
13 Vakandirapa chirwere chekusabereka.
14 Vazhinji-zhinji vairapwa chirwere chakafanana nechangu, vese vakagashidzwa vana.
15 Zvino hamutende here, kuona Baba vachipa vanhu vana?
16 Usingatende izvi wakafa achifamba zvake, nekuti vaipiwa vasina mutengo.