Guta Ra Jehova
Lesson 131

Matenga Adzimwa Mweya Munyika, Akanosangana naMambo Jesu (Tarisa: Dhuteronomi 18: 18–22)

1 Murwendo rupi nerupi, Matenga vanotsanangudza kupiwa kwavakaitwa basa iri naVaJehova.

2 Vakati vari muHarare, kuHighfield, pakanga pakaungana mazana nemazana evanhu, vachena nevatema.

3 Zvino yakanga iri nguva yezuva rodakuwira.

4 Matenga vakatsanangudza pachena.

5 Richiti,"Ndakanga ndiri munyika sezvamakaita."

6 "Asi nguva yakwana, ndakarwara zvikuru kwazvo."

7 "Ndakadzimwa mweya wangu munyika, ndikafa."

8 "Ndapfuudzwa, ndakanosangana naMambo Jesu."

9 Rikati,Rikati, "Ndakaona Chita chaJeneti chiri pamhiri chakatarira kwandiri chichiimba.chaJeneti chiri pamhiri chakatarira kwandiri chichiimba."

10 "Chakanga chakapfeka mabhachi matsvuku; hambakamba yedenga, Jeneti iripo.iripo."

11 Rikati,"Uye ndakanosangana nezvinyorwa."

12 "Chimwe nechimwe chaunoita chinonyorwa ikoko; kune zvinyorwa vanangu."

13 Rikati,Rikati, "Ndasangana, Ishe Jesu akanditora akaenda neni kuna VaJehova.Jesu akanditora akaenda neni kuna VaJehova."

14 "Akashevedzera achiti, 'Ndauya naye Baba, kuti achinopedzisa basa randakasiya munyika'."

15 "Kuti aende kunoponesa Africa yose."

16 Ndopavakapiwa basa rose iri rinoshamisa rikadai.

17 Shoko rikati,"Aninaani anotenda kwauri haazofi, asi anozova neupenyu husingagumi."

18 Saka zvinyorwa zvose zviri mubhuku umu zvinoratidza chokwadi kuti Matenga ava vakauya muChokwadi chaVaJehova.

19 Ngativanamatei kuti tipinzwewo muDenga ravo dzvene. Tarisa Zvakazarurwa 21: 3–8.