Guta Ra Jehova
Lesson 182

Kuchinjwa KweKisimusi Yichiitwa Isita

1 Hama dzangu, pano Matenga vakasiya vadzima Kisimusi mugore ra1959.

2 Anoziva anoziva, takatamba Kisimusi iyoyo tichiimbaAnoziva anoziva, takatamba Kisimusi iyoyo tichiimba "Tenzi TaunganaTaungana".

3 Zvino hatina kuziva kuti zvarevei, asi uye Matenga vakanga vataura kuti pasi riri kuda kuparara.

4 Vakashingaira chaizvo ivo Baba zvisakazoitika.

5 Zvino taane Isita mbiri iye zvino, inoti yekwaMambo Jesu, youya yaMatenga.

6 Izvi zvareva kuti chokwadi vana ve G. R. J. havasisina Kisimusi munyika kwete.

7 Mukati memashoko ese amuchaverenga mukati mebhuku ravo Matenga ava.

8 Zvava kwauri iwe wakazvionera ukazvinzwira, wosarudza nzira iri yechokwadi.

9 "Kureurura, kuchengeta zviziviso nemirairo ndihwo upenyu,"vaidaro Matenga vedu nguva dzose.

10 Ndinokumbira kuna Baba kuti vaite kuda kwavo pamberi pezvinyorwa zavo izvi.

11 Baba vachaita kuda kwavo mukati memashoko aya.

12 Matenga ngavakomborere izvi zvinyorwa zvavo, uye vasandikanganwawo pakuguma kweizvi, kusvikira mukuparara kwenyika; ngazviropafadzwe navo nekusingaperi. Amen.