Guta Ra Jehova
Lesson 130

Kuzarurwa Kwengarava yaMatenga Nevatumwa muGuta

1 Yakati svondo yezuva rodoka, Mambo Zimunya nemachinda avo vakanga vauya muGuta.

2 Kuzotenda zvavakanga vaitirwa naMatenga.

3 Zvino rakanga riri zuva rekuzarurwa kwengarava yaMatenga.

4 Vechita chaJeneti vakanga vakapfeka mabhachi matsvuku.

5 Vakomana masoja vakanga vakapakatira mikwakwa G.R.J. mabhande matsvuku.

6 Tabva Mudivi tichienda muNgarava, vakanga vachiimbatichienda muNgarava, vakanga vachiimba "Tenzi TaunganaTaungana" nechuni yaJeneti.

7 Tava pamusuwo wengarava, Mambo Zimunya vakazarura gonhi reNgarava yaMatenga.

8 Achiti,Achiti, "Mutumwa , ndinokutambidzai ngarava yenyu iyi., ndinokutambidzai ngarava yenyu iyi."

9 "Kuti muite basa raBaba venyu rinotyisa rakadai, ramakabva naro kuDenga."

10 "Kuti tose tione kupona, vatema nevachena, panyama nepamweya."

11 Vapiwa, Matenga vakapinda muNgarava umu naMambo naIshe Nyakunu.

12 Nemupurisa akanga aripo wehurumende nevese vakanga vakapfeka zvitsvuku, Ropa raKristu.

13 Tapinda muNgarava iyi, gonhi rakapfigwa.

14 Mukaimbwa zvakatyisa kwazvo nechuni yaJeneti.

15 MuNgarava umu makaimbwa zvisina kumboitwa munyika.

16 Mazwi avo akanga akafanana neminanzi yeDenga.

17 Nekuti vakanga vava vatumwa bedzi, rinodaro Gwayana .

18 Matenga vakateura vakati,"Baba vakwana iye zvino zvamatipfigira kudai senguva yaNoa, ndivo vakateerera mirairo yangu."

19 Zvino Gwayana rakashevedzera pakarepo richiti,"Baba, Noa naJeneti nevatumwa vakuru vakuru veDenga vari muno."

20 Rapedza, vavhangeri vakateura zvikatyisa, yikapenya zvikuru kwazvo.

21 Matenga vapedza kuteura rikati,"Vanin'ina vaJeneti nevanin'ina vaNoa mazembera."

22 Makaimbwa; zvino Matenga vaiti vakasvetuka, ngarava yakaita seiri kusimuka kubva munyika ichikwira kuDenga.

23 Matenga vakati,"Ndaisoiona kubvira kare yiri padunhu."

24 Vavhangeri vakasimuka vakatenda nekuvakwa kwengarava.

25 Matenga vakasimuka vakatenda nevakavaka nevakabatsira kuti ngarava iyi ivepo.

26 Takati tava kubuda mungarava iyoyo.

27 Munhu mumwe nemumwe akanga akagarwa nemutumwa aipiwa mana yake.

28 Zvakava nekutyisa, vanhu vaMwari.

29 Tiyeukei kuti iwe neni takapinda muNgarava iyi, kuti zvichaveiko kumagumo.

30 Kana tisina kuchengeta mirairo yaMatenga tinonoraswa.

31 Asi basa rose iri rakaitwa pachena pamberi pedu, pasina mutengo. Amen.