Musangano Wengundu Yekumabasa muGuta raVaJehova
1 Yakanga iri nguva yekubva mumusangano wechigurangu.
2 Zvino vakomana vevekuMabasa vakanga vaisa chichemo chavo pamberi paMatenga, kuti,Zvino vakomana vevekuMabasa vakanga vaisa chichemo chavo pamberi paMatenga, kuti, "Tingahugarawo sei uhu Umambo hwekudenga?hwekudenga?"
3 Zvino mukumbiro wavo wakasvika ukatambirwa naMatenga.
4 Musangano uyu vakanga varumbidzwa.
5 Zuva rasvika; zuva rakatyisa nemwoyo wangu, zuva ratakapiwa Umambo hwekudenga.
6 Saka iri zuva rakatyisa, nekuti hazvisati zvamboitika kuti muAfrica apiwe Chiremba chekudenga, waMwari.
7 Chinhu ichochi chinhu chinokosha kwazvo kwazvo, vanhu vaMwari.
8 Matenga vakauya vakati,"Musangano uyu mukuru kwazvo; warumbidzwa naBaba."
9 "Nhasi kwagadzirwa zvityiswa zvizhinji kwazvo kuti munosangana nazvo."
10 "Ko mauya mese here?" Asi shoko riri kuti,"Motokari irikupiko?"
11 "Yanzi naBaba pamusangano mukuru wakadai haifanirwe kushaikwa."
12 Kuzoti Matenga vataura vachitaurazve, vakanga vasina kufadzwa nazvo.
13 Pakarepo mvura yakatanga kunaya ikaenda.
14 Tsitsi dzeGwayana dzinoshamisa; ravakumba rakati,"Vanhu ngavaendeswe kuMutumwanyanza."
15 Vakaendeswa vese, nevayavaya vakanga vaenda kunogadzira mota, vachiuya nayo, vakanzi vatutsirwa vari ko.
16 Vaswera vachiratidzwa zvityiswa zuva rose.
17 Vamwe havana kuratidzwa nepamusana pezvifananidzo zvakanga zvakavagara.
18 Vauya Mudivi , zvino Matenga vaiona zvikonzero zvose.
19 Raishevedzera richiti,"Hokoyo chifananidzo kupisa pamunhu wangu."
20 Nevakanga vasingabudirwi ndakaona vachibudirwa zuvaro.
21 Kuzoti remangwana racho, zuva reChishanu, vanhu vakafuma kumuka vakaenda Mudivi .
22 Zvino ngundu iyi yakanga isina kufanana nedzimwe; yakanga ichityisa kwazvo.
23 Kuzoti ava masikati, vanhu vakaburitswa mumba yavakanga vavharirwa, vakapinda Mudivi .
24 Matenga vakauya, vakati,vakauya, vakati, "Yakwana zvino nguva yekuti mugadzwe Umambo hwekudenga, Ngundu .."
25 Pakarepo risati ragadza, rakasvetuka rikaenda apa neapa.
26 Vanhu vakatanga kubudirwa nezvifananidzo.
27 Zvimwe zvakanga zvichida kuuraya vanhu vezvakanga zvigere.
28 Kuzadzisa zvakanga zvamborongwa nevaya.
29 Chakashamisa pakugadzwa ngundu idzi, dzakatanga nekuvarume dzichizogumisira nekuvakadzi.
30 Zvino varume vaviri vakabva vapfekedzwa mabhande matsvuku eG. R. J. zuva iroro.
31 Mwoyo wangu wakaparukirwa nezvakanga zvaitwa panesu zuvaro.
32 Mukati mekunge torapiwa, varume vaviri ava vakanga vapiwa mabhande matsvuku vairapiwa vakatarisa kumabvazuva.
33 Zvino masoja nevarwi neveyunifomu yekwaJeneti vakange vachitamba zvaityisa kwazvo.
34 Kutamba kwavo kwakanga kuchifanana nemabhiza aripamujaho.
35 Ini ndakati,"Zvavo vakaropafadzwa vakaona izvi vachiri vapenyu."
36 Zuva reChitatu mumusangano uyu, zvino vanhu vakafuma kumuka vakapinda Mudivi .
37 Matenga vakauya, vakati,vakauya, vakati, "Nhasi muchapiwa chipikirwa .."
38 Chipikirwa ichi chakatanga nekuvarume.
39 Vamwe vaibudirwazve nezvifananidzo, zvimwe zvaida kuvauraya, bedzi tsitsi dzaMatenga dzinoshamisa kwazvo.
40 Ava masikati Matenga vakauya Mudivi , vakati,, vakati, "Yava nguva yenyu yekutambira vamwe venyu vagadzwa Umambo .."
41 Zvino pakaita mutinhimira unoshamisa kwazvo, paimbwa zvakatyisa.
42 Rava zuva reSvondo, Matenga vakati,vakati, "Ngundu iyi yatyisa chaizvo.iyi yatyisa chaizvo."
43 "Tarirai muone pazuva ranhasi, tichatsaura mbeu yakanaka, yiende payo yoga."
44 "Asi mbeu yakaipa muchaona iyezvino."
45 Pakarepo Matenga vakadanidzira vachiti,"Mbeu yakaipa ngaibude iyezvino, musare mbeu yakanaka."
46 Matenga vakati,"Chese chandinenge ndataura chinodzadzika."
47 "Tarirai zvatoitika pamberi peuso hwenyu mwese muchiona."
48 Zvapera izvozvi Matenga vakati,vakati, "Ngundu iyi iri kutyisa vana vangu.iyi iri kutyisa vana vangu."
49 "Zvino zvanzi naBaba ngapave nedhishi rine mushonga wemvura."
50 "Vese vakaenda kungundu kare vauye vachigeza maoko avo vachikwazisana neava."
51 Zvino Matenga vakanamatira mvura yemushonga vakaisa mudhishi iroro.
52 Kwakatanga kugeza Mutumwa Gomo, kukauya Muuyu nevamwe vatumwa vakuru vakuru.
53 Zvino Matenga vakati,"Vana vangu, zvirongwa zvaBaba zvinoshamisa uye zvinotyisa."
54 Pakarepo Matenga vakatanga kuimba rwiyo runoti,vakatanga kuimba rwiyo runoti, "Nditarire Nekufara Iwe Wanga Wandifira Ishe VanguVangu".
55 Vanhu vakabva vatanga kuimba.
56 Pakarepo denga nepasi zvakadairana.
57 Remangwana acho rakari zuva reMuvhuro.
58 Matenga vakati kuvakomana vaviri vaya vakanga vapiwa mabhande matsvuku.
59 "Mapiwa mazita; iwe rako ndiCharisi, iwe munin'ina wacho rako ndiJohane Mudikani."
60 Vakati,"Vana vangu, dai maichengeta chipo ichi marega kutamba nazvo."
61 "Manga mapiwa vachengeti paupenyu hwenyu."