Guta Ra Jehova
Lesson 123

Harare Inoburitsirwa Basa Rose Pachena

1 Hama neshamwari, tarirai, vanodaro Matenga .

2 Harare, mwana wedangwe, chitarira iye zvino, basa rose iri riri kuitwa pachena iye zvino.

3 Tsoka dzako, maziso ako nenzeve dzako dzaona dzichinzwa zvine mhosva pamberi paBaba.

4 Bva, zvandakatumwa zvacho, ndizvozvi mukati meAfrica.

5 Hevo mabasa ari pamberi aya andakauya nawo acho.

6 Pipi rekutanga; pakaberekwa mwana wakashamisa kwazvo pasvondo yekutanga.

7 Akagara ega pasi Mudivi achandobva kuzvarwa, kuratidza chokwadi chandakauya nacho.

8 Akati mangwanani eSvondo yekutanga, Matenga vakati,"Musangano uno ndewemasoja akapfeka mabhande."

9 Ndakaona zvirume zvakanga zvakafuta zvakaapakatira, zvichivirikidza Musiki wazvo.

10 Zvakange zvakodzereswa naMatenga; zvimwe zvakanga zvine mapakatwa marefu muzviuno zvavo.

11 Mukati memapuranga akanga aripo, Gwayana rikati,"IJiri revatumwa."

12 Zuva iroro vatumwa vakaburitswa vachitinhira, zvikava nekutyisa nekushamisa vakanga vauya kuzoona.

13 Rakati zuva iroro Matenga vamire pakati peDivi.

14 Vakashevedzera zvifananidzo mukati mevanhu.

15 Zvifananidzo zvakauya zvakanyanya kwazvo, vanhu vakashamiswa.

16 Vanhu vakaona kuburitswa kwemadhimoni pavanhu.

17 Madhimoni iwayo aitaura zvikonzero zvaakadzingwa ndizvo kudenga.

18 Zvino yaiti yareurura yapedza, yaikwidzwa mudenga pameso avo.

19 Vanhu ava vainga vanoona asi vakanga vasingaonesesi.

20 Masoja navana Mariya dzanga dzava mhondoro pamweya kutaura chokwadi .

21 Shoko ravo chaiva chigumbuso mukati menyika.

22 Shoko ravo raiti rikasvika pamunhu, raibvarura nekuti rakange riri shoko rechokwadi.

23 Ndivo vatumwa veDenga vakanga vakagara pamunhu mumwe nemumwe.

24 Vaiti kana vopararidza vakanga vasinganyenyeredzi chivi kwete.

25 Asi vakanga vachireva zvavakanga vari zvacho kare vachiri munyika.

26 Pakarepo ndakavaona varoyi vachisimuka vachitsanangura uroyi hwavo pachita chizere vanhu.

27 Dzanga dziri mhombwe dzichitaura upombwe hwadzo.

28 Dzakanga dziri mbavha dzichitsanangura umbavha hwadzo.

29 Dzakanga dziri n'anga dzichitsanangudza un'anga hwadzo pachena, nekunyebera kwavakanga vachiitira vanhu munyika.

30 Asi Matenga vauya vakati,"Kwete, kwete hazvidiwi mwanangu mudenga; ungangoraswa."

31 Zvirema zvakasimuka zvakauya zvisingafambi, zvikafamba pamberi pavo.

32 Mhanje dzemakore dzakasimuka, dzakagara munyika dzisina vana, dzikaratidza vana dzavakapiwa naMatenga.

33 Dzakatozoona vana nepamusana peiyeyu ane mashura nezviratidzo zvakadaro.

34 Mapofu nemhetamakumbo dzakapupurawo nekuponeswa kwadzo.

35 Vazhinji-zhinji vakapupura vandisina kunyora.

36 Vanhu vaona chokwadi chaMatenga, vakatanga kunoreurura.

37 Mukati mekureurura, vanhu ava vaiuya nezvinhu zvakasiyana-siyana kuti zvizopiswa.

38 Zvaiva uroyi, makona, zvuma, nyoka nemazango akasiyana-siyana.

39 Zvinhu izvozvo zvaipiswa nen'anga dzeGuta: Beta, James naMuparutsa.