Guta Ra Jehova
Lesson 37

Madzimambo paGuta Idzva

1 Nerimwe zuva madzimambo enyika vakashanyira Matenga paGuta idzva kwaZimunya.

2 Vakati vasvika, vakakumbira kuti vangaona Matenga here.

3 Asi vakabvumidzwa kuti vapinde muGuta imomo, asi vaiva gumi nemumwe.

4 Vanhu vese vakadaidzwa kuti vaungane Mudivi .

5 Vanhu vakaimba Rwiyo rweZana,Vanhu vakaimba Rwiyo rweZana, "Ishe Taungana Mumba MenyuTaungana Mumba Menyu".

6 Ipapo madzimambo vakapiwa zvigaro zvekuti vagare.

7 Vanhu vakaramba vachiimba. Kuzoti Matenga vazouya, madzimambo vakakumbira kuti vangaona basa raMatenga here.

8 Vakatanga kuratidzwa vana, kukauya vane nhumbu, zvirema, mapenzi, nezvimwe zvirwere zvakasiyana-siyana.

9 Nemakaradhi vakanga varipo vakaratidzawo nhumbu dzavo.

10 Vamwe vakadzi vakagara makore 10, vamwe 20, 30, 40, 50, 60, 70, vasina nhumbu, asi vava nadzo; vamwewo vaane vana, nevatochena misoro yose vava nadzo nhumbu.

11 Vana vazhinji-zhinji vakaiswa pamberi pavo, zvikavashamisa kwazvo.

12 Vanhu vaiimba, vamwe vachikwira mugomo vachiimba; zvikashamisa kwazvo kwavari.

13 Vakaratidzwa kurapa kunoita Matenga .

14 Vachitevera mumashure paraini rimwe nerimwe pachirwere chese.

15 Kuzoti vapedza kurapa, mumwe mambo akasimuka akatenda zvikuru kwazvo, nebasa rinoitwa ipapo rinoshamisa kwazvo.

16 Vakati,"Kana nemadzibaba edu hapana akamboona basa rinoshamisa rakadai."

17 Aya ndiwo mazita avo, Mambo : Zimunya, Gwenzi, Seke, Mupungwanai, Zamuchiya, Ganahwa, Musikawanhu, Mahenye, Mutema, Mupungu, Ndimi.

18 Zvakashamisawo kuti madzimambo anoshanyirawo Matenga waMwari nerufaro rwakanga rwakadaro rukurukuru.

19 Naivo madzimambo vakashamiswawo nebasa rinoitwapo, neGuta guru rinochengetwa nemunhu mumwechete pasina nebopoto.