Lesson
64
Kugara Kwakaita Pasi
1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chevanhu vazhinji-zhinji, vanoti,"Ndiani anoziva kugara kwakaita pasi?"
2 Vakanga vaona kuwanda kwakaita vanhu, vakavadzidzisa zvaibva muDenga.
3 Chokutanga vanoti,"Ndianiko anoziva kugara kwakaita Makomo?"
4 Ipapo hapana akataura, nekuti pakanga pasina anoziva zvavaitaura.
5 Zvino vakati,"Munoona makomo asina miti, vakoma vezuru; makomo ane miti, vakoma vemiti."
6 "Mukoma wejecha, mabwe; mukoma wemvura, rukova."
7 "Zvinhu izvi zvandinotaura ndezvechokwadi; unotenda zvandinotaura anoponeswa, nekuti Matenga vakatakura zvose.vakatakura zvose."