Guta Ra Jehova
Lesson 64

Kugara Kwakaita Pasi

1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chevanhu vazhinji-zhinji, vanoti,"Ndiani anoziva kugara kwakaita pasi?"

2 Vakanga vaona kuwanda kwakaita vanhu, vakavadzidzisa zvaibva muDenga.

3 Chokutanga vanoti,"Ndianiko anoziva kugara kwakaita Makomo?"

4 Ipapo hapana akataura, nekuti pakanga pasina anoziva zvavaitaura.

5 Zvino vakati,"Munoona makomo asina miti, vakoma vezuru; makomo ane miti, vakoma vemiti."

6 "Mukoma wejecha, mabwe; mukoma wemvura, rukova."

7 "Zvinhu izvi zvandinotaura ndezvechokwadi; unotenda zvandinotaura anoponeswa, nekuti Matenga vakatakura zvose.vakatakura zvose."